Uncategorized

Akabara akakwira mumuti

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Akabara akakwira mumuti Amelia akabata mwana Sara uyo waakasunungukira mumuti

Kwayedza

MUDZIMAI wekuBeira, kuMozambique — uyo ainge akazvitakura – anonzi akazosunungikira mwana apo ainge akakwira mumuti wemuchero wemumango mushure mekunge atiza mumba mafashamu emvura yaive nedutumupengo inodaidzwa kuti Tropical Cyclone Idai.

Amelia anonzi akasununguka mwanasikana wake Sara akabatirira pamapazi emuti wavainge vakwira nemwanakomana wake ane makore maviri okuberekwa.

Mudzimai uyu nevana vake vanonzi vakazonunurwa kubva mumuti uyu kwapera mazuva maviri nevavakidzani vavo zvichitevera mafashamu ari kunzi akauraya vanhu vanodarika 7 000 muMozambique aya.

Makore 20 adarika, mumwe mwana — Rosita Mabuiango — akaberekerwa mumuti zvakare kuchamhembe kweMozambique mushure mekunge kwaitika mafashamu.

“Ndakange ndiri pamba ndiine mwanakomana wangu ane makore maviri okuberekwa apo mvura yakangotanga kuzara mumba,” anodaro Amelia. “Ndakange ndisina zvekuita kunze kwekukwira mumuti tose nemwanakomana wangu.”

Amelia nevana vake pari zvino vari kugara mutende pedyo nenzvimbo yeDombe uye utano hwavo hunonzi hwakanaka.  Zvichakadai, Mabuiango — uyo ave nemakore 19 okuberekwa — nyaya yake yakaita mukurumbira pasi rose mushure mekunge iye naamai vake, Sofia Mabuiango, vanunurwa nechikopokopo vari mumuti wainge uri pakati pemvura yemafashamu.

Achitaura, Sofia anoti kusununguka kwaakaita mwana wake kwairwadza zvikuru.

“Ndaingochema, ndichishevedzera. Dzimwe nguva ndainzwa mwana seainge oda kubuda, asi dzimwe nguva ndaifunga kuti akange asiri iye nekuda kwenzara,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Vanhu vakawanda vakarasikirwa nezvinhu zvavo zvose mumafashamu aya, asi ini ndakazowana simba.”

Muhurukuro, Rosita anoti zvaakange avimbiswa nehurumende yenyika yake zvekudzidza achibatsirwa nebhezari uye kuzoshanyira United States achitsigirwa nenyika iyi zvose hazvina kuzadzikiswa. “Zvidzidzo zvangu zvagara zviri kubhadharirwa mari naamai vangu. Hapana chandati ndawana kubva kuhurumende,” anodaro Rosita.

Anoenderera mberi achiti, “Hongu, hurumende yakativakira imba asi haisisina chimiro chakanaka. Kana kuchinaya, inobvinza. Vanofanirawo kubatsirawo mukuivandudza.” — BBC

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>