Uncategorized

Akabarwa aine unenge muswe

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Akabarwa aine unenge muswe Mwana akabarwa aine chinenge muswe.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI anogara kuOverspill, kuEpworth, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti mwanasikana wake ane mwedzi mina yekuzvarwa anovhiiwa mushure mekuzvarwa aine chinyama chinenge muswe.

Angella Zimunda (34) anoti akabarira mwana wake, Chiedza Nyamadzawo, mumba achibva azoenda naye kukiriniki yeko mushure mekuona kuti ainge ane muswe panoperera musana wake.

“Pandakaenda naye kuOverspill Clinic vakabva vandipfuudza kuSally Mugabe Central Hospital ndikanogara muchipatara kwemazuva matanhatu. Pana chiremba ainzi aifanira kumuvhiya asi aida $8 500 inova mari yandisingawani semunhu asingashande.

“Takadzokera kumba nemwana tikazodzokera zvekare zvikanzi chiremba aifanira kuvhiya mwana uyu haasisiko uye mari inodiwa paoparesheni iyi iri kuramba ichikwira. Ndapota ruzhinji rweZimbabwe, ndibatsirei mwana wangu avhiiwe,” anodaro Zimunda.

Anoti paanoshandisa manapukeni, chinyama chiya chinotanga kuora uye chiri kuramba chichikura zvekuda kuenzana nemakumbo ake izvo zviri kumutadzisa kugara.

“Kunze kweoparesheni, mwana uyu anoda mapamper anenge achifanira kubviswa nguva nenguva paanongotota zvishoma nekuti nyama iyoyo ikangotota inotanga kuora nekunhuhwa zvinoita kuti nditadze kufamba naye pane veruzhinji.

“Pese paanoita tsvina, inogamhwa nechinyama ichochi zvichiita kuti utachiona huumbike zvinova zviri kukanganisa utano hwake. Shuviro yangu ndeyekuti mwana wangu avhiiwe orarama upenyu hwakasununguka sevamwe vana,” vanodaro.

Vangada kubatsira mudzimai uyu vakasununguka kumuchaira nhare dzinoti 0774 524 169 kana kutumira mari paEcoCash nhamba dzimwe chetedzo.

Share This:

Sponsored Links