Uncategorized

AKABARWA ASINA CHIBEREKO

07 Oct, 2021 - 11:10 0 Views
AKABARWA ASINA CHIBEREKO ZERRIPA AMON PHIRI

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuChegutu — uyo pari zvino ari kunyika yeSouth Africa uko akaenda kunotsvaga rubatsiro — ane dambudziko rine musiyano mukuru nevamwe sezvo akabarwa asina chibereko zvekuti haatevere mazuva ake sezvinoita vamwe vanhukadzi.

Kwayedza inoita hurukuro naZerripa “Unique” Amon Phiri (41) uyo ane dambudziko rinowanikwa pamunhu mumwechete pavanhukadzi 5 000 voga voga.

“Ndinonzi Zerripa Unique Amon Phiri uye zita rekuti ‘Unique’ ndakazvipa sekuratidza kusiyana kwangu nemamwe madzimai mazhinji zvichitevera kubarwa kwandakaita ndisina chibereko. Nzvimbo inogara mazai uye sikarudzi yangu ndakaberekwa zvisina kuumbika zvakanaka.

“Handisati ndambotevera muupenyu hwangu. Ndakangokura ndakadaro zvekusvika pakupedza A-Level ndisina kutevera sezvinoita vamwe kana vasvika vemazera ekutevera. Zvakandishungurudza ini nevabereki vangu, asi kuti vakangofunga kuti pamwe ndiri mumwe wevanononoka kutevera saka hatina kuzonyanya kuita hanya nazvo,” anodaro.

Phiri anoti paakasvitsa makore 21 ekuberekwa, akazoroorwa nemukomana wake achibva anobvisirwa mari yaidiwa kusara kwezvinozobhadharwa kana munhu achinge azoita mwana.

“Ndava mumba kudaro, dambudziko rekuita bonde rakabva rabuda. Saka takaita mwedzi mitatu tisina kusangana pabonde nemurume wangu nekuti zvairamba. Takaenda kwatete vachibva vati tiende kuchipatara kwandakanovhenekwa zvikaonekwa kuti handina chibereko uye sikarudzi yangu yainge isina kuumbika zvakanaka. Izvi zvakatinetsa zvikuru zvekuti takatombofambawo kumaporofita semhuri tichibvunzira, pakabuda nyaya dzehuroyi zvichinzi ambuya vangu ndivo vainge vakadishinhirira asi chiremba wangu akati ndine ‘thick hymen’ ndokusaka ndiri kutadza kuita bonde nemurume uye handikwanise kuita mwana nekuti handina chibereko,” anodaro Phiri.

Anoti mushure mekuudzwa nemaporofita kuti akaroyiwa, akaenda kunobvunza ambuya vake kuti sei vakamuitira hutsinye hwakadaro zvinova zvakamutsa mhirizhonga.

“Ndasangana nezvakawanda muupenyu kubvira pandaipihwa mishonga nezvimwe zvimiti zvekupfeka senzira yekuedza kuti ndizokwanise kuita bonde nemurume wangu, pamwe ndichinwiswa mishonga yakasiyana.

“Vemhuri yekwangu nekwandakaroorwa havana kubvuma zvandaiudzwa nachiremba sezvo vaingoti kuroyiwa, vachiti munhukadzi haangazvarwe asina chibereko. Kuchipatara, vaiti tinofanira kushandisa zvinonzi ma‘dilaters’ nzira ikazozaruka mushure memwedzi misere ndokuzokwanisa kusangana nemurume. Mamwe machiremba ndiwo aiti ndine kachibereko kadiki kasingakwanise kutakura mwana asi vamwe vachiti handina zvachose.”

Phiri anoenderera mberi: “Zvisinei, imba yangu yakazoparara nekuti vehukama vakazopindira, zvikuru tezvara vangu vakatonyorera mwana wavo tsamba vachiti unomudii mukadzi usingabereki? Zviri nani uroore mumwe mudzimai, pfuma tinokupa nekuti tinoda kuti utisiire vazukuru panyika.”
Phiri anoti haasisina tarisiro yekuroorwa zvekare nekutya kusangana nenyaya dzerusarura.

“Machiremba akati dambudziko rerudzi urwu rinokwanisa kugadzirisika kumunhu ane makore ari kuma20 okuberekwa apo anoiswa chibereko chemumwe obara mwana kamwe chete chichibva changobviswa (uterus transplant). Vamwe vanoitwa izvi vanogona zvekare kuisirwa mbeu yababa vopedzisira vaita vana mapatya kana manyatatu zvichifambirana neutano hwavo. Kudai dambudziko rangu rakazivikanwa nenguva, pamwe ndingadai ndakatora danho iri. Zvino iko zvino machiremba anoti hazvichaita nekuda kwezera rangu, ndave nemakore 41 saka ndava kutofunga zvekuita vana nekukumbira nenzira yemutemo (adoption), mumwe chete kana vaviri,” anodaro.

Phiri anoti ava kunzwisisa dambudziko rake.

“Muzvipatara, zvinondirwadza nekuti pose pandinoenda ndichiedza kuita tsvakurudzo nekudawo kubatsirwa, vanotanga kutoshamisika kuti sei ndisiri kutevera mazuva ini ndava nemakore 41 ekuzvarwa. Mamwe machiremba haasi kutozivawo kuti dambudziko rangu rinonzi chii. Saka munguva pfupi yadarika ndakaenda kunachiremba anoona nezvechibereko ndichida kuitwa ongororo yemahomoni emumuviri mangu ndikatoshamisika ndava kuudzwa kuti handina nzvimbo inogara mazai mushure mekuitwa sikani. Dambudziko iri rinorwadza asi zvava kungoda kugamuchira zvinhu zvausingakwanise kusandura muupenyu.”

Anoti aishuvira kuitawo mwana wake asi zvaramba.
“Mwana chipo chinobva kunaMwari saka ndinongoyambirawo kune vamwe vane dambudziko rakaita serangu kuti varigamuchire nekuti kana vakaswera vachitsvaga tsananguro kun’anga nekumaporofita vanopedzisira vaudzwa zvimwe zvinhu zvinoparadzanisa vanhu. Tinoziva kune vamwe vanazvo zvibereko asi vari kundikana kuita vana,” anodaro.

Mudzimai uyu akanyora zvekare bhuku rine musoro unoti, “I am also a woman” (Ndiriwo munhukadzi) iro anotsanangura upenyu hwake.

Zvichakadai, VaHeaven Munyuki – avo vanova muvambi wesangano reMwana Chipo Africa Trust – vanoti madzimai nevarume vanosangana nedambudziko rekushaikwa kwembereko zvakaenzana zvisinei nekuti nharaunda dzinoriona sedambudziko revakadzi chete.
“Zerripa ndemumwe wenhengo yedu uye tine nhengo dzinodarika 400 dzine matambudziko ekushaikwa kwembereko. Iniwo ndakaumba sangano iri mugore ra2019 mushure mekunge taita makore manomwe tisina mbereko nemudzimai wangu apo nhumbu dzaingobva.

“Takamboendawo kumaporofita tikaudzwa zvakawanda asi kuburikidza nekuchipatara, takabatsirwa tikava nemwana musikana. Iko zvino tava kugadzirira kubatsirwa zvekare nemachiremba kuti tiite wechipiri. Saka zvinoda mushandirapamwe waamai nababa nekuti iniwo ndaiva nedambudziko rangu, mudzimai aine rakewo,” vanodaro.

Mai Edinah Masiyiwa, vanova executive director wesangano reWomen’s Action Group, vanoti nyaya dzeutano hwesikarudzi dzinofanira kuwaniswa kumunhu wose pasina rusarura kuitira kuti pave nekuzadzikiswa kwezvirongwa zvinoendeka zveSustainable Development Goal 3.1 mugore ra2030.
“Kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwakaona mamwe madzimai achikundikana kuwaniswa utano hwesikarudzi zvichitevera mitemo ine chekuita nekufamba kana kushanya kune dzimwe nyika. Tiri kushanda neveSafe Engage Initiative mukuona kuti kodzero yeutano hwesikarudzi yazadzikiswa,” vanodaro.

Kuchitiwo Dr Moses Macheka vanova chiremba kukanzuru yeZimbabwe National Family Council (ZNFPC) vanoti kushaikwa kwembereko kunoonekwa apo murume nemukadzi vabva zera vanenge vachiita bonde risina kudzivirirwa nguva nenguva asi vachikundikana kuita vana mukati memwedzi gumi nemiviri kana kudarika.

“Pakadaro panenge pava kuda ongororo kuti dambudziko riri kumudzimai here kana kumurume nekuti dzimwe nguva murume anenge aine mbeu shoma kana dzisina simba saka anobatsirwa nemishonga. Mazai aamai kana asina kusimba zvakare anogona kutadzisa. Chikafu chatinodya chinokurudzirwa kuti chive chinovaka muviri uye michero kuti mwana aumbike zvekare.

ushungurudzika mupfungwa, kutora zvinodhaka kusanganisira fodya, kunogona kuita kuti mbereko ishaikwe, saka zvakawanda. Zvimwe zinogadzirisika asi zvimwe hazvigadzirisike zvachose,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links