Uncategorized

Akabata chibharo adya vhuka-vhuka

12 Sep, 2021 - 09:09 0 Views
Akabata chibharo adya vhuka-vhuka

Kwayedza

Gibson Mhaka

MURUME ane makore 27 ekuberekwa wekuBulawayo anonzi akabata chibharo muvakidzani wake mushure mekunge adya mazondo akasanganiswa nemushonga wekusimbisa musana wevhuka-vhuka.

Zibusiso Ndlovu (27) ndiye anonzi akabata chibharo muvakidzani wake.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa3 Gunyana gore rino nenguva dza9 manheru apo mumhan’ari akanga ari kunwa doro panzvimbo yeJuluka Bottle Store kuFairbridge, aine vamwe varume vana.

Ndlovu anonzi akambenge aona mumhan’ari uyu ndokumuudza kuti ainzwa hudokwa-dokwa hwekuda kushereketa naye sezvo aive adya mazondo akasaganiswa nemushonga wevhuka-vhuka.

Anonzi paakasvika pane mudzimai uyu, akabva amudhonza ndokumuudza kuti amuperekedze kumba kwake uye achimutyisidzira kuti aizomubaya nebanga kana akaramba.

Nekutyira upenyu hwake, mudzimai uyu anonzi akabvuma achibva aenda kumba kwaNdlovu uko akasvikobhinywa.
Mushure, mudzimai uyu anonzi akaudza shamwari yake inova yakamuperekedza kumapurisa izvo zvakaita kuti Ndlovu asungwe uye ndokuzomiswa pamberi pedare nemhosva yechibharo.

Ndlovu haana kupiwa mukana wekubvuma kana kuramba mhosva nekudaro ari muchizarira achimirira kuzotongwa nemusi wa20 Gunyana.

Share This:

Sponsored Links