Akabatsirana neroja kuponda hanzvadzi

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Akabatsirana neroja kuponda hanzvadzi court

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wekuKadoma anonzi akaponda hanzvadzi yake achibatsirana neroja ravo achimupomera kumubira $51. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti mapurisa ari kuferefeta nyaya yekupondwa kwaMary Mazhandu aigara kuNkona, muKadoma.

Mary anonzi akapondwa nehanzvadzi yake, Tafadzwa Mazhandu (25) achibatsirana neroja repamba pavo rinonzi Malaki Sambayi.

Vaviri ava vakatosungwa uye vari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi vachimirira kupinda mudare nemhosva yavari kupomerwa yekuponda.

“Mapurisa ari kuongorora nezvenyaya yemwana anonzi Mary uyo ari kunzi akaurayiwa nehanzvadzi yake,” vanodaro.

Insp Mabgweazara vanoti nemusi wa15 Kukadzi, Tafadzwa anonzi akasvika kumba ndokutanga kutsvaga mari yake mumabhegi ake ndokuishaya.

Anonzi akafungira kuti Mary ndiye akanga aba mari iyi sezvo achinzi aive nenhoroondo yokuba zvinhu zvevanhu munharaunda yavanogara.

Tafadzwa anonzi akabvunza Mary nezvemari iyi asi akaramba kuti ndiye akange aitora.

Tafadzwa anonzi akabva asunga mawoko nemakumbo aMary ndokutanga kumuzvambura achishandisa tambo yemagetsi nepaipi yemhando yePVC.

Anonzi akabatsirana naSambayi kumurova kubva nenguva dza10 husiku kusvika kuma1 mambakwedza.

“Tafadzwa anonzi akatodeedza roja rake iri, iro rinonzi raigara richinetsekana kuti mari yaro yaiendepi. Sambayi akabatsirana naye kurova mwana uyu kusvika ati rapata. Tete vake vanonzi Consolata Mazhandu vanonzi ndivo vakazouya kuzomununura,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Vaviri ava vanonzi pavakazosunungura Mary, akatadza kufamba ndokubva angodonha ndokufenda ipapo.

Consolata anonzi akamutakura akadaro ndokumurarisa mumba.

Munguva dzekuma 6 mangwanani, Consolata anonzi akaona kuti Mary akange afa asi akabva apangana mazano nevasungwa vaviri ava kuti vanyepere kumapurisa kuti mwana uyu ainge anwa muchetura.

Gure iri rinonzi rakazobuda pachena mushure mokunge mapurisa aferefeta nyaya iyi apo Tafadzwa akazorondedzera zvose zvakange zvaitika.

Mutumbi waMary wakabva waendeswa kumochari yechipatara chekuKadoma District Hospital kunoongororwa nemachiremba.

Share This:

Sponsored Links