Uncategorized

Akabaya mwana ‘waboss’ nebanga

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Akabaya mwana ‘waboss’ nebanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekutsvaga basa remaricho pane mumwe musha mubhuku raNyarenda Village 2, kuHurungwe, akazoguma oda kubata chibharo mwanasikana wepo uyo waakazobaya nebanga akakuvara zvikuru apo aimurwisa.

Nyaya iyi yakaitika paPlot number 39 kuMlichi munguva pfupi yadaika.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti murume uyu aigara achipihwa mabasa emaricho pamusha uyu.

Musi uyu, zvinonzi murume uyu akadarika achitsvaga basa apo akabvumirana nevabereki vemwanasikana waakabaya kuti arare pamusha pavo agozomukira kushanda basa zuva rechimangwana racho.

“Tine murume anonzi Shingirirai Mudzi (27) wekuKasimhure Village 1 uyo ari kutsvagwa nemapurisa edu ekuKaroi nenyaya yekuedza kubata mwanasikana chibharo uyewo nekuzomucheka nebanga. Murume uyu akapara mhosva iyi pamba paaiva aenda achida basa remaricho,” vanodaro.

Zvinonzi murume uyu akasvika pamba apa nenguva dza4 zuva rodoka achiti aidawo basa vakawirirana kuti ararire pamusha uyu agomukira kushanda.  Mudzi anonzi akapihwa imba yekurara yaive padyo neinorara mwanasikana wepo.

“Nenguva dzekuma8 husiku, baba naamai vepo vakanorara apo murume uyu akaenda kubhawa pataundishipi iri padyo.

‘‘Akadzoka ndokusvikopindira mwanasikana uyo aiva arere oga muimba yekubikira,” vanodaro. Vabereki vemwana uyu vanonzi vakazonzwa ave kuridza mhere kuma1 mambakwedza ndokumuka.

Vakasvikowana murume uyu aine banga, atobaya mwanasikana uyu pagurokuro, kugotsi nepamaoko ose.

Zvinonzi akabaya musikana uyu nebanga nekuti airamba kuita bonde naye.

Murume uyu akabva atiza uye ari kuvhimwa nemapurisa. Musikana uyu akazoendeswa kuchipatara cheKaroi ndokusvikodarikidzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals uko ari kurapwa.

Insp Mabgweazara vanoyambira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vavachengetedze.

Vanoti kune vanoziva kuna Mudzi ngavazivise mapurisa ari padyo navo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey