Uncategorized

Akabhinya vana vake 3. . . mumwe ndokubata pamuviri

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Akabhinya vana vake 3. . . mumwe ndokubata pamuviri

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Ruzane, kuHwedza, akasungwa nemapurisa eko nemhosva yaari kupomerwa yekubata vanasikana vake vatatu chibharo kubva gore ra2018 kusvika 2019 zvikatoita kuti mumwe wavo abate pamuviri.

Zita remurume uyu tinaro asi mutemo hautendere kuti tiriburitse kuitira kuchengetedza vana.

Sekutaura kwemapurisa, vanoti vanasikana vaibatwa chibharo ava ndevanoti wemakore 10, ane 11 neane 15 okuberekwa.

Izvi zvinonzi zvanga zvichiitika nekuti murume uyu akarambana naamai vevana ava apo vakazonogara naambuya vavo munzvimbo imwechete iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti murume uyu ange achitora mukana waamai vake – ambuya vevana ava – avo vasingagone kufamba apo ainobata vana ava chibharo.

Runyerekupe rwenyaya iyi rwakazobuda parufu rwakaitika mumusha uyu apo murume uyu akazosungwa.

“Pakabuda nyaya iyi, zvakaonekwawo kuti mwanasikana wake wemakore 15 atova nepamuviri pane mwedzi miviri. Vana ava vose nababa vavo vakaendeswa kudare reMarondera Magistrate Court, pamuviri apa pakazobviswa zvinofambirana nemutemo wenyika ino,” vanodaro Insp Mwanza.

Nyaya yemurume uyu ichiri kufambira mberi nekutongwa mudare iri.

Share This:

Sponsored Links