Akabhuroka anozvambaradza mudzimai

15 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Akabhuroka anozvambaradza mudzimai Dare

Kwayedza

Hazel Marimbiza

MUDZIMAI wekuNketa 9, kuBulawayo anoti ari kushungurudzwa zvikuru nemurume wake uyo waanoti anogara achimurova nekumudzinga pamba pose paanenge abhuroka zvekushaya mari.

Chipo Maphosa ava kugara akabatira hura mumaoko nekuda kwemurume wake – Tafadzwa Kwira – uyo waanoti anogara achimuvimbisa rufu.

Maphosa akapotera kudare reWestern Commonage Court achikumbira gwaro redziviriro.

“Ndiri kukumbira magwaro echengetedzo kubva kumurume wangu, Tafadzwa Kwira. Tava nemakore gumi nerimwe tichigara tose uye anonwa doro zvakanyanya obva atanga kundirova paanenge asina mari achindidzinga pamba.

“Anoti akafundira kuuraya saka anotoda kundiuraya uye anovimbisa kupisa imba yedu. Ndinochema kudare kuti rindipewo gwaro redziviriro kubva kumurume uyu pamwe angamira kuita hunhu hwakashata kudai,” anodaro.

Mutongi Jeconia Prince Ncube vakarasa chikumbiro chaMaphosa sezvo iye pamwe nemurume wake vakazvidza dare nekusauya musi waitongwa nyaya yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey