Uncategorized

Akabuda mukanwa meshumba

30 Jun, 2021 - 10:06 0 Views
Akabuda mukanwa meshumba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anobva kudunhu raMambo Mujinga, kuKaroi anoti akapona neburi retsono mushure mekurwisana neshumba kuChirundu uko kwaanoshanda.

Anoti akapona nekubatana nayo mhandamatsimba kusvikira yaneta ikazomurega.

VaIsa Chitenje (49), avo vanoshanda paTiger Safaris Lodge iri kuChirundu, vanoti vakasangana nenjodzi iyi nemusi wa13 Chivabvu.
Vanoti vakanyangirwa nechikara ichi vachibva kunzvimbo yemabhizimisi yeChirundu ichibva yangotanga kuvarwisa.

“Ndakapedza basa nguva dzadarika 5 zuva rodoka ndokuenda kunzvimbo yemabhizimisi yeChirundu ndichida kunotenga zvinhu zvemumba. Ndakasiya mudzimai wangu palodge patinogara apa nevana vangu vana.
“Ndakanoshaya zvandaida ndokutanga zvangu kudzoka kumba dzava kuma6:30 zuva rodoka. Ndaiva ndoga apo ndakanzwa shumba kudzvova musango padyo nemugwagwa,” vanodaro VaChitenje.

Vanoti shumba iyi yaiva yakahwanda chinhambwe chemamita 800 kubva pavanogara.

“Pakadzvova shumba iyi, ndakacheuka ndokuona yava kuuya pandaiva ndimire. Ndakashaya zano kana kutiza ndakatadza nekufamba kusvikira yasvika pandiri ikasvetuka ichida kundidzipa huro nemakumbo ekumberi yakashama ndichibva ndangoivhika neruoko rwekurudyi rwuchibva rwapinda mukanwa mayo kusvika mubendekete ndichiidy’unga neminwe.

“Yaiedza kundipunzira pasi ndichirwisana nayo zvakatora nguva inodarika maminetsi mashanu, yakandiswinya mumusoro nekumeso nepachipfuya takamisidzana, ikandikuvadza zvikuru,” vanodaro VaChitenje.
Vanoti maoko ose akakuvadzwa nekumarwa nenzara mukurwisana uku, kusvikira vakaneta ikazokwanisa kuvapunzira pasi ruoko rwavo rwuchingova mukanwa mayo ichirwutsenga.

“Ndapunzika pasi kudaro ndichingochema nekushevedzera ruzhinji rwemunzvimbo yedu, shumba iyi yakazoramba yakaruma ruoko urwu ikandidhonzera musango uko ndakasvikonyepera kuita sendafa ikabva yamira yakanditarisa yakanditanangira.
“Panguva iyi, vamwe vanhu vakauya vachimhanya nemumwe akauya nemotokari vanzwa kuzhamba kwangu,” vanodaro VaChitenje.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu ava vasvika, vakatanga kupotsera matombo kushumba iyi uyuwo wemota akavheneka nemwenje wemotokari sezvo kwakanga kwave kusviba. Shumba iyi yakavhunduka ichibva yatiza ichindisiya ndirere pasi.
“Ndakazokwanisa kusimuka ndichibva ndafamba kuenda mumugwagwa maiva nevanhu vainge vauya kuzondinunura.”

Vanoti vakazotakurwa kuendeswa kukiriniki yekuChirundu uko vakanodarikidzwa kuchipatara chekuZambia cheMutenderi Hospital ndokugarako kwemazuva 22 vachirapwa.

“Izvozvi ruoko rwerudyi urwu rwakatsengwa neshumba rwakatyoka ndakaiswa plaster uyewo maronda emumusoro ndakaiswa mabhandeji nemaronda akasiyana, ndiri kurapwa ndigere kumba. Ndakabuda muchipatara nemusi wa5 Chikumi.”

VaChitenje vanoti makumbo avo akakuvadzwa mukurwisana uku.
“Handizive kuti ndichazokwanisa here kuramba ndichishanda sezvo ndichishanda mubindu palodge apa zvinova zvinoda simba nekukuvara uku handizive kuti varungu vachandisarudzire chii. Kumba kwangu kunodawo chikafu chinokwanirana icho chave kushomeka nemishongawo yekurapwa,” vanodaro.

Musoro wavo vanoti wakaita ronda guru rakadzika zvinoda kunge vachiongororwa nenyanzvi.
Kune vanoda kubatsira murume uyu vanokwanisa kumubata panhare dzinoti 0774 962 328.

Mutauriri weZimbabwe Parks & Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanoti nyaya yekurwiswa kwemurume uyu neshumba kuChirundu yakasvika kumahofisi avo.

“Sebazi rinoona nezvemhuka dzesango, nyaya iyi yakasvika kwatiri uye tiri kuiongorora. Tinokurudzira vanhu kuti vafambe vakangwarira kunzvimbo dzinogara mhuka. Zinoratidza kuti mutsaona iyi shumba iyi ine kwayakapoya kumasango anogara mhuka kuChirundu.
“Zvichakadai, tiri kuitsvaga kuti iuraiwe nekuti ikange yave kufamba yoga kureva kuti yakapanduka, saka inoda kuuraiwa,” vanodaro VaFarawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey