![Akacheka shamwarikadzi sikarudzi nebanga](https://www.kwayedza.co.zw/wp-content/uploads/sites/28/2023/11/dare-1.jpg)
Muchaneta Chimuka
SHANJE dzerudo dzakaparira murume wekuChitungwiza uyo anonzi akasvika pachidanho chekuzvindikita shamwarikadzi yake nemidziyo yemumba yakasiyana muviri wese pamwe nekuzomucheka sikarudzi nebanga mushure mekumuona ari mumotokari nemumwe murume uyo aifungidzira kuti chikomba chake.
Innocent Sean Jiyengwa (23) ari kupomerwa kukuvadza shamwarikadzi yake, Kuzivakwashe Dzimba (25), wekuUnit L kuChitungwiza kwekare.
Jiyengwa ari kutongwa nemhosva yemhirizhonga (Contravening Section 3(1) (a) ARW Section 4(1) of the Domestic Violence Act, Chapter 5:16).
Mutongi weChitungwiza Magistrate’s Courts, VaAlois Midzi, vakati Jiyengwa adzoke kudare zvekare munguva pfupi iri kutevera.
Muchichisi VaMalvin Mwendera vakaudza dare kuti nomusi wa29 Zvita muna2024 munguva dzemanheru, Jiyengwa akaona Dzimba agere mumotokari nemumwe murume achibva ashatiriswa nazvo.
Jiyengwa anonzi akajambira pamusoro pebhoneti remotokari ndokupwanya girazi repamberi nehasha.
Murume aive mumotokari umu anonzi akamutendera kuti apinde mukati asi akabva atora mukana uyu kuzvambaradza Dzimba nezvibhakera nemambama.
Jiyengwa anonzi akazobvarura hembe yeshamwarikadzi yake ndokumusiya akapfeka tirauzi bedzi uye akazoenda naye kumba uko akaenderera mberi nekumurova.
Akazocheka chidimbu chenyama yesikarudzi yake achishandisa banga remumba.
“Mushure mekundibvisa mumotokari akanditi tiende kumba kwangu uko akasvikondirova nemidziyo yemumba yakadai semapoto, pani nemacheya epurasitiki. Pedzezvo, akanditi ndirare ndakatarisa mudenga achibva acheka dzimwe nyama dzenhengo yangu yakavandika. Ndiri kurwadziwa zvikuru uye ndiri kushungurudzika mundangariro nekuti vanhu munharaunda vave kutonditi ndiri pfambi inodhumanisa varume,” anodaro.
Dzimba anoti murume waaive naye mumotokari ishamwari yaJiyengwa yainge yamuvigira jaketi rake iro akakanganwa pazuva reKisimusi.
“Ndakatozopukunyuka kubva pandainge ndirere mushure mekuchekwa apo Jiyengwa akabuda panze kunotsvaka mumwe mudziyo wekuti andizvindikite nawo ndichibva ndanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” anodaro.
Anoti Jiyengwa akabvarura hembe yaainge akapfeka achibva asara aine mutodo chete uye akamubira US$193 yake yaive pasi pemubhedha.
Magwaro ekukuvara kwakaita Dzimba akabudiswa mudare seumbowo, kusanganisira mifananidzo yaakatorwa achangobva mukukuvadzwa.
Jiyengwa ari kubvuma mhosva yake yekurova mumhan’ari.
“Mhosva yekuti ndakarova mumhan’ari nemaoko uye chimuti ndinoibvuma asi mari yake handina kuitora,” anodaro Jiyengwa