Akachena haatye kurehwa

21 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Akachena haatye kurehwa A conceptual look at leadership and associated concepts.

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

POSE panotungamirwa vanhu hapashaikwe zvirehwa-rehwa — mungava mudzimba, mumakambani, mumakereke kana munyika.

Vanhu vanobatanidza nyaya dzavo kuti dziite zvirevo zvavanofungidzira kana mashoko asingafambe zvakanaka muvanhu. Nokudaro vari kutungamira havafanire kutyiswa naizvozvo nokuti ndiro rimwe basa ravo rekudzora mashoko asiriwo nekuratidza pachena chokwadi chinenge chiripo, asi chisingabatwe neruzhinji mudzimba, mumakambani, kana mudunhu.

Chikuru kuona kuti iwe semukuru mumba, ukafungidzirwa kuti hausi kufamba zvakajeka, chiratidza kuti mafambiro ako akachena nekupa vanhu ruzivo rwunoratidza kuchena kwako.

Ukaita mbigiridzwa, guhwa iri rinoita kamberevere rikapisa musha wose kudzimara vavakidzani vaziva zvemumba menyu pavanozoda kubatsira kudzimura moto uya wakatanga uri mudiki ukasadzorwa nemazvo.

Izvi tinozviona zvichiitwa pajekerere kudzimwe mhuri kana nyika panozvuzvurudzwa hutekwatekwa pamatare vanhu vachida kuziva zvinhu zvisina kunyatsojeka.

Hutekwatekwa haurambe kugadzwa dare nokuti vanenge vachida kuzvichenesa.

Ko tingatadze here kuzvichenesa nekufambisa mashoko echokwwadi anogona kuongororwa pachena? Akachena haafanire kutya zvirehwa-rehwa kunze kwekunge ane katurike.

Dare rino haripo kunyadzisa vari muzvigaro mudzimba kana mumakambani, asi riripo kuti richenure hutekwatekwa hwanhasi tichigadzirira hutekwatekwa hwamangwana kuti tifambewo mugwara rebudiriro rinounzwa neruvimbo rwedu mudzimba, mukambani nemitunhu yose. Kana tajekesa zvinhu, tinosiira nhaka vanouya, isu tigozvirovawo zvipfuva tichiona nhaka yedu ichitekeshera.

CHENJEDZO:

Dare rino rinoti ngatisiireiwo vadiki vedu nhaka yebudiriro inopfuura pfuma yemunhu mumwe chete isina kuwanikwa nenzira kwayo.

Pfuma yebudiriro yenyika yose inopundutsa munhu wose nekupa mukana munhu wose ane zvaanogona kuita muupenyu hwake. Nokudaro zvinhu zvakachena ipfuma huruhuru kwazvo mudzimba, mukambani nemunyika. Ngatidyarei pfuma yakachena kuti tigokohwawo zvakachena  kuitira kuti paye patinorehwa tisatye guhwa.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links