Akadamburwa mawoko mbereko yaramba

30 Sep, 2022 - 21:09 0 Views
Akadamburwa mawoko mbereko yaramba Jackline Mwende nemurume akamujajadura nedemo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYAYA dzekushaikwa kwembereko dzinoonekwa dzichibata madzimai nevarume asi nharaunda inowanzopomera vanhukadzi sehonzeri dzedambudziko iri zvichiita kuti vapedzisire vava kusangana nemhirizhonga inosanganisira kurohwa, kutukwa kana kutorambwa nemurume chaiko.
Jackline Mwende Ngila (27) wekuKenya ndemumwe wemadzimai akasangana nemhirizhonga yekushaikwa kwembereko mudzimba apo akajajadurwa kutemwa nedemo mumusoro, ndokudimburwa mawoko nemurume wake uyo aimupomera mhosva yekusabata mimba.
Ngila akataura izvi pamusangano wakaitwa pamasaisai uyo waitsigirwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Dr Auxillia Mnangagwa, vakabatana neMerck Foundation uye sangano rinomiririra vatori venhau reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) uyo waikurukurwa maringe nenyaya dzekushaya mbereko uye zvingaitwe kuderedza matambudziko aya.
Mudzimai uyu akazobatsirwa nesangano rinotsigirwa nemadzimai evatungamiriri venyika dzemuAfrica reMerck Foundation ”More Than A Mother” apo rakamuvakira imba ine zvose semafiriji, magetsi ane simba rinobva muzuva nechitofu.
“Ndinofara nerubatsiro urwu nekuti kune vakawanda vaivimbisa kundibatsira asi vachinyepa. Raramo yangu yasanduka, ndava kukwanisa kukorobha mumba nekuita mamwe mabasa.
“Dambudziko redu rakatanga mugore ra2013 apo murume wangu akauya husiku achibva atanga kundirova. Aida kundidimbura musoro saka ndakaunzvengesa akazokwanisa kudambura mawoko angu ose nekunditema-tema mumusoro achiti ndini ndainge ndisina mbereko zvisinei nekuti ndiye akazoonekwa nemachiremba kuti aive nedambudziko iroro. Ndiri kurwadziwa zvikuru,” anodaro.
Dambudziko rekushaya mbereko rakaonekwa uri mutoro mukuru unobata madzimai nevanhurume munyika dziri muSub-Saharan Africa zvichikonzerwa nenzira dzinorarama vanhu uye zvimwe zvirwere zvisina zviratidzo seBP neshuga, pakati pezvimwe.
Vachitaura pachirongwa ichi, Dr Rasha Kelej, avo vanova chamamgwiza wesangano reMerk Foundation, vanoti nyaya dzekushaya mbereko dzinobata madzimai nevarume nekudaro vatori venhau vane basa guru rekupa mashoko edzidziso kune veruzhinji.
“Ndinofara zvikuru nekushanda pamwe kwatiri kuita nevatori venhau vemapoka akasiyana tichikurukura nyaya dzekushaya mbereko. Tinoda kuti vanasikana vange vachisimudzirwa muraramo yavo vazive kuti dambudziko rekushaya mbereko harizi remunhu mumwe chete, asi kuti chinhu chinoda mushandirapamwe wevaviri.
“Nyaya dzekushaya mbereko dzakawanda zvikuru munyika dzemuAfrica uye ongororo yakaitwa inoratidza kuti chikamu che75 – 85 percent chenyaya idzi dzinokwanisa kudzivirirwa nekuti dzinokonzerwa nezvirwere zvinotora nguva zvisina kurapwa. Zvirwere zvakadai sezvepabonde, kubvisa pamuviri nerweseri nekugadzirwa kwenhengo dzemadzimai nenzira dzechivanhu kuti vafadze varume, pakati pezvimwe, ndizvo zvimwe zviri kukonzera kushaikwa kwembereko asi zvinodziviririka kana vanhu vakawaniswa rubatsiro rwechipatara nekukasika,” vanodaro.
Dr Mugove Madziyire vanova Consultant Obstetrician and Merck Foundation Alumini uye vari chizvarwa chemuZimbabwe vanoti nyaya dzekushaikwa kwembereko dzinobata madzimai nevarume nekudaro vanhu havafanirwe kunyara nekuda kwazvo kana kusangana nerusarura.
“Munyika dzemuAfrica kana zviya vanhu vachipinda muwanano chinangwa chikuru ndechekuti munge muchiita vana nekudaro kana pakaita dambudziko rekusaita mbereko, panobva patomuka hondo huru zvekuti wanano inopedzisira yaparara. Kune zvimwe zvirwere zvinoita kuti vanhu vashaye mbereko sezvepabonde zvinosanganisira yatinoti chlamydia neghonorrhoea uye zvirwere izvi munguva zhinji hazvina zviratidzo zvinoonekwa,” vanodaro.
Dr Pascal Chinwada vanova physician paSally Mugabe Hospital vanoti: “Mararamiro anoita vanhu anokonzera zvekare kuti pave nedambudziko rembereko saka vatori venhau vanofanira kufundisa vanhu maringe nenyaya dzeutano sekuti kukosha kwekudya chikafu chinovaka muviri, kusaputa fodya, kuregedza kufema mweya yepeturu kana humwe hutsi hunokanganisa mapapu nedzimwe nyama dzemuviri nekutora mishonga yebp neshuga kana vanhu vachinge vabatwa kuti vane zvirwere izvi.”
Munyori mukuru weZUJ, Perfect Hlongwane, anoti ibasa revatori venhau kuti vafundise nyika maringe nemararamiro akanaka uye kuti vakoshese zvipatara pane kurwisana mudzimba vachipomerana nyaya dzekushaya mbereko.
“Nyanzvi dzezveutano dzataura zvakawanda zvinoita kuti vanhu vapedzisire vava kushaya mbereko, kusanganisira kukurumidza kuroorwa munhu asati abva zera, zvirwere zvepabonde nezvimwe saka chitsvambe chasarira isu kuti tikushe ruzivo urwu kune veruzhinji,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>