Akadashurwa netsvina kumeso

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Akadashurwa netsvina kumeso

Kwayedza

Muhamed Komboni
MURUME anogara kuChikanga, kwaMutare, akamiswa mudare redzimhosva reko achipomerwa kurova mumwe mudzimai nezvibhakera zvikaita kuti asare akuvara zvakanyanya mushure mekunge amurova nepamper rakashandiswa kumeso.

Hilary Kudzanai Machenge (19) akamhan’arirwa kudare reMutare Magistrate’s Court naMuzvare Notebulgah Muchineripi achipomerwa mhosva yekurikita Gelly Tsikada (21) zvikaita kuti abve mazino maviri.

Muchuchisi Nyasha Gerald Mukonyora anoudza dare kuti nomusi wa7 Mbudzi gore rino, Machenge akaenda kumba kwaTsikada achinokumbira hosipaipi yekudiridzisa.

Machenge akabva audzwa kuti ambomira sezvo hosipaipi yaaida yakange ichimboshandiswa nemumwe munhu akangozivikanwa saTadiwanashe saka aizopihwa mushure mekunge yapedza kushandiswa.

Tsikada anonzi akabva atema Machenge kumeso nepamper raainge akabata zvikaita kuti ashatirwe ndokumurova nezvibhakera nekumukava nemakumbo.

Tsikada akakuvara ndokuguka mazino maviri nekurohwa uku achibva amhanyiswa kuchipatara cheMutare Provincial Hospital.

Tsikada anonzi akanga asina chinangwa chekutema Machenge nepamper kumeso asi zvakaitikawo netsaona.
Mukumira kwaakaita mudare, Machenge anobvuma mhosva yake achiti akarova Tsikada mushure mekunge amutema kumeso nepamper rakashandiswa.

“Handina kumurova nezvibhakera, ndakamurova nekuseri kweruoko, ndakashandisa simba rakawanda zvikaita kuti akuvare,” anodaro Machenge.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri.

Share This:

Sponsored Links