Uncategorized

Akadzika muzukuru banga pahuro

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME anogara mubhuku rekwaZhangira, kwaSeke – wekumiswa mudare nemhosva yekubaya muzukuru wake pahuro nebanga uyo akabva afenda nekuda kwekurasikirwa neropa rakawanda – anoti akamubaya mushure mekunge apinda mumba make zvisina mvumo yake.

Searchmore Kufahakurambwi akaendeswa kudare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva yekubaya muzukuru wake Lloyd Zhangira (34) nebanga.

Mutongi Winfilda Tiyatara akati Kufahakurambwi adzoke kudare nemusi weChina chino apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa11 Kurume gore rino munguva dzemanheru, Kufahakurambwi akabaya Zhangira pahuro nebanga kamwe chete mushure mekunetsana.

Anonzi akashandisa banga remhando yeOkapi zvekuti muzukuru wake akarasikirwa neropa zvekusvika pakufenda achibva azonomukira kuchipatara cheMahusekwa Hospital uye magwaro ekwachiremba akaburitswa mudare seumbowo.

Zhangira anoudza dare kuti pazuva iri sekuru vake vakatuma mwanasikana wavo neshoko rekuti auye kumba kwavo.

Anoti akabva aenda neshamwari yake akasvikowana sekuru vake vakadhakwa zvikuru vachibva vatanga kumusundira pasi uye vaiita izvi nenzira yekunge vari kutamba chikudo.

Ari pasi kudaro, anonzi akashamisika kuona Kufahakurambwi ave kuuya nebanga reOkapi iro akanotora mumba achibva amubaya naro pahuro zvikaita kuti akuvare zvikuru.

Kufahakurambwi ari kubvuma mhosva yake achiti akabaya muzukuru wake nebanga mushure mekunge apinda mumba make zvisina mvumo.

“Mhosva ndinoibvuma, asi kuti ndakamubaya mushure mekunge apinda mumba mangu zvisina mvumo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey