Uncategorized

Akadzingwa basa vakumbidzana mafuta ekuzora

01 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Akadzingwa basa vakumbidzana mafuta ekuzora

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME wekwaMambo Mutambara, kuChimanimani, akazopotera kudare rashe veko mushure mekunetsana nemuramu wake uyo waari kupomera kuti akapa mwanasikana wake munyama wekuti adzingwe basa pasina chaatadza kuburikidza nekushinhirira mafuta ake ekuzora muviri (body lotion).
Joseph Mutereko anoti Catherine Chigidi, uyo anove mudzimai wemun’ina wake, ndiye akaroya mwanasikana wake.

Mutereko anoti Chigidi akakumbira mafuta ekuzora emwanasikana wake, ndokubva amupa munyama mushure mekuashinhirira.

Apo vaviri ava vakamiswa pamberi paMambo Mutambara neMugovera wadarika, Mutereko akati muramu wake ane godo nevana vake.

Anoti munaNdira gore rino, Chigidi akamushanyira pamusha pake ndokukumbira mafuta ekuzora emwanasikana wake.
“Akatokumbira mafuta ekuzora emwanasikana wangu.
“Ini nemudzimai wangu takashamisika kuti sei aida mafuta ekuzora emwanasikana wedu chete asi hatina kuita hanya nazvo.

“Mudzimai wangu akaunza mafuta ekuzora aya ndokupa Chigidi.\

“Paakapihwa mafuta aya, Chigidi pane zvaakataura kazevezeve asi zvatisina kunzwa ndokubva adzorera mafuta aya kumudzimai wangu. Akatitenda achibva aenda.

“Husiku ihwowho, mwanasikana wangu aive asipo ari kubasa kuNyanyadzi akandichaira nhare achindiudza kuti ainge adzingwa basa pasina chikonzero,” anodaro Mutereko.

Anoti vana vake vari kusangana neminyama inosanganisira kudzingwa mabasa nekusaroorwa uye zvose izvi zvichikonzerwa naChigidi.

“Muporofita upi neupi watiri kunobvunzira pamwe nen’anga, vose vari kuti mukadzi uyu ndiye honzeri yematambudziko emumhuri yangu.

“Handina kumbobvira ndamubvunza pamusoro penyaya iyi nekuti zvaigona kukonzera kusawirirana kukuru pakati pemhuri dzedu,” anodaro Mutereko.

Achipawo divi rake, Chigidi anoti akaenda kumba kwemhuri yekwaMutereko achinokumbira mafuta ekuzora emwanasikana uyu sezvo aifunga kuti vanozora akafanana.

“Handaikwanisa kuzora mafuta avakandipa nekuti akasiyana neandinozora, saka ndakavadzorera.
“Kana mwana wavo akadzingwa basa, haizi mhosva yangu. Pamwe aisaita basa racho nemazvo.
“Zvinotoshamisa kuti vari kudyidzanidza nyaya yemafuta ekuzora nekudzingwa kwakaitwa mwanasikana wavo basa,” anodaro Chigidi.

Anoenderera mberi achiti, “Mutereko akandivenga nekuti ndinowirirana nemuroora wake. Anoti ndinoburitsa nyaya dzakavanzika kwaari. Imhosva yangu here kuti muroora wake anondifarira kudarika zvaanoita vamwene vake?”

Mambo Mutambara vakaudza mhuri mbiri idzi kuti dzifambe kune vanoita zvemweya zvigoonekwa kuti Mutereko ari kutaura chokwadi here kuti mwanasikana wake akadzingwa basa mushure mekunge mafuta ake ekuzora ashinhirirwa naChigidi.

Ini nemudzimai wangu takashamisika kuti sei aida mafuta ekuzora emwanasikana wedu chete asi hatina kuita hanya nazvo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>