Akadzipa murume kusvikira afa

31 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Akadzipa murume kusvikira afa Mambo Mutambara (kuruboshwe)

Kwayedza

Tanyaradzwa Mujati

NGOZI yemurume wekwaMutare uyo anonzi akadzipwa nemudzimai wake kusvikira afa yave kupfukira vemhuri yanyakufa ichiuraya vanhu gore negore.

Izvi zvakabuda apo Mwanasawani Mvundura akadhonzera vazukuru vake – Givemore naTapiwa Maoneni – kudare reMutare Civil Court achida gwaro redziviriro mushure mekunge vasiya amai vavo, Mbuya Sarah Mvundura, avo vanonzi vari kurwara, pamba pake.

Dare rakanzwa kuti vemhuri iyi pavakamiswa pamberi paMambo Mutambara, Mbuya Mvundura vakataura kuti vakaponda murume wavo.

Givemore naTapiwa vanoti havasi kuzotora amai vavo kusvikira ngozi yababa vavo yaripwa.

Givemore anoti ngozi yababa vake iri kuuraya vanhu vemumhuri yavo gore negore.

“Vanoda kuti titore amai vedu nekuti havadi kugamuchira zvavakaita. Amai vedu vakareurura kuti vakadzipa baba vedu kusvika vafa. Saka vakazooma mitezo uye ndokutiudza kuti izvi zviri kukonzereswa nemweya wababa vedu uyo uri kutsiva.

“Mambo Mutambara vakatiudza kuti tiripe ngozi iyi asi ivo havasi kuwirirana nazvo. Saka ndizvo zvazovatuma kuuya kumatare edzimhosva, asi nyaya ichiri mudare raMambo Mutambara,” anodaro Givemore.

Anoenderera mberi achiti, “Amai vedu takavaendesa kumachiremba akasiyana, asi utano hwavo huri kuramba huchidzikira.

Ndokusaka vakazobuda pachena vachireurura zvavakaita kuna baba vedu.”

Mashoko aGivemore anotsinhirwa naTapiwa achiti vanhu vemumhuri yavo vari kufa gore negore.

“Rufu ruri kutishanyira gore negore. Amai vedu pavanongopinda mumusha medu weMaoneni, tinorasikirwa nevana vedu.

Ndokusaka Mambo Mutambara vakatonga kuti mweya wengozi yababa vedu unofanirwa kuripwa,” anodaro Tapiwa.

Anoti mweya wababa vake wakabudira pamwana wake uchitsanangura maurairwo avakaitwa naamai vake.

“Baba vangu vakafa mwana wangu achiri mucheche asi mwanakomana wangu paakabudirwa, akatanga kutevedzera hunhu hwasekuru vake uye izwi ravo zvekuti munhu wose akagutsikana nezvaaitaura,” anodaro Tapiwa.

Zvisinei, Mwanasawani anoti haakwanise kuchengeta Mbuya Mvundura sezvo aive akaroorwa nehanzvadzi yavo yakashaya.

“Pachivanhu, handikwanise kuchengeta tete vangu vari kurwara. VekwaMaoneni ngavauye vatore amai vavo. Havatombokwanisi kumira voga kana kuenda kuchimbuzi.

“Ndinovagezesa zuva nezuva asi iri harisi basa rangu,” anodaro Mwanasawani.

Mutongi wedare reMutare Civil Court, VaXavier Chipato, vakapa Mwanasawani gwaro redziviriro ndokuudza vekwaMaoneni kuti vatore Mbuya Mvundura vogovatsvagira muchengeti kumwe.

Asi Givemore naTapiwa vakapokana nazvo ndokuti zviri nani kuti vasungwe vaende kujeri pane kutora Mbuya Mvundura vasati varipa ngozi yababa vavo.

Share This:

Sponsored Links