Uncategorized

Akadzurwa bvudzi nemurume

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUKADZI wekudzurwa vhudzi mumusoro nemurume wake uyo waanoti anogara achimuzvindikita akazopotera kudare.
Major Jasi akaendesa Tendai Mwendere kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.
“Mambo wangu, baba ava vanondishungurudza, vanondirova zvekuti handichina rugare muimba yangu yewanano. Ndiri munhu anotengesa kumapurazi kuti tikwanisewo kurarama mumba sezvo baba ava vasisaende kubasa.

Asi pese pandinodzoka kumapurazi anondirova achiti ndanga ndaenda kunoita zvechipfambi. Imwe nguva akandirova akandidzura vhudzi rangu uye ndatouya neumboo mudare hwemhotsi dzangu dzaakadzura zvakare ndatova nedambudziko rekurwadziwa nemusoro nekuda kwekuita kwemurume uyu,” akadaro Jasi.

“Baba ava vari kundimanikidza kuti ndisangane navo pabonde pasina kudzivirira asi ini ndinotyira upenyu hwangu sezvo vakaita makore akawanda vachifara zvavo neshamwarikadzi dzavo ini nevana tichitambura. Nhasi basa rapera ava kuda kundinyengetedza kuti andipe zvirwere, hakuna zvakadaro.

“Hongu ndinoramba kumuwachira pamwe nekumubikira nekuti ava kuda kundiona semukadzi wake nhasi nekuti ava rombe, handidi hangu ngaaende kune vaaidya navo mari yake,” akadaroJasi.

Mwendere akabvuma kuti dzimwe nguva anotadza kuzvidzora osvika pakurova Jasi nekuti haachamuremekedza semurume wake.

Akati: “Ini ndangofanana nemunhu asina kuroora, mukadzi uyu haachandiona semurume mumba. Ndiri kurarama upenyu hwebhachura mumba mangu ini ndakaroora. Mukadzi uyu haachina kana ruremekedzo neni, ndatove negore ndisingazive mukadzi wangu zvakare anoramba kundibikira kana kundiwachira.

“Vana chaivo havachanditereri nekuda kwemabasa emukadzi uyu. Ndine mwanasikana atova mhandara uyo anofurirwa naamai vake kuti asandiremekedze. Maitiro emukadzi uyu anoita kuti nditadze kuzvidzora ndosvika pakumurova.”

Mutongi Audrey Tarungarira akapa gwaro redziviriro kuna Jasi akati Mwendere asamurova kana kumushungurudza asi kuti vagare murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey