AKADZVURA MUSORO WEMWANA MUDURI . . . ndokuubika kuti adye

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
AKADZVURA MUSORO WEMWANA MUDURI . . . ndokuubika kuti adye Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki wekuMasvingo akaita chisionekwi apo akaponda mwana anga ava nemakore mapfumbamwe ekuberekwa, ndokumudambura musoro uyo waakabvisa vhudzi achiita zvekuupara nemvura inopisa, achibva azoudzvura nemutswi muduri asati aubika mubhodho pamoto kuti audye.

Clever Chitiga (22) wekwaZimuto anonzi akaponda mwana uyu svondo rapera uye akatosungwa.

Asati agadza chikari chaive nemusoro wemwana uyu pamoto, Chitiga anonzi akatanga aupara vhudzi achishandisa mvura yakaviriswa.

Anonzi akazotora musoro wemwana uyu ndokuudzvura nemutswi muduri, ndokuzoupwanya kusvikira wawota nekuita zvidimbu-zvidimbu. 

Musungwa uyu anonzi akazomoneredza mutumbi wemwana uyu usina musoro nejira remambure anodzivirira umhutu (mosquito net), ndokunoukanda mudhamu riri padyo nemusha wake. 

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya inotyisa iyi.

“Tinotsinhira kufa kwemwana wemakore mapfumbamwe achiita zvekupondwa uyo aibva mubhuku raMatova, mudunhu raMambo Zimuto, kuMasvingo zvinova zvakaitika nemusi wa4 Zvita uye tine fungidziro huru yekuti nyaya iyi ine chekuita nekuchekeresa kana kuti kushandisa mishonga,” vanodaro.

“Musoro wemwana uyu unonzi wakadamburwa naChitiga achishandisa banga remukicheni uye akaveura vhudzi mumusoro achishandisa mvura yaifashaira. Ari kunzi akazotswa musoro uyu muduri achishandisa mutswi kusvika wamvungunjika. 

“Musoro uyu anonzi akazoufashaidza mupoto kuti audye uyewo ndokuputira mutumbi wemwana uyu mumosquito net ndokunoukanda kudhamu riri padyo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti veruzhinji havafanirwe kutevedzera zvavanoudzwa nen’anga dzemanyepo sekuti vanogona kuwana upfumi mushure mekuchekeresa.

“Tinoyambira veruzhinji nekuda kwemashoko ekunyeperwa ekuti vaponde vanhu kuti vaite upfumi,” vanodaro Asst Comm Nyathi. 

Chitiga ari mumaoko emapurisa achimirira kuenda kumatare edzimhosva nekuda kwemhosva yekuponda.

Nguva pfupi yadarika, mwana aive nemakore manonwe ekuberekwa wekwaMangwende, kwaMurehwa — Tapiwa Makore (Jnr) — akawanikwa akapondwa uye mutumbi wake wakabviswa musoro, maoko nemakumbo.

Pane vanhu vane chitsama vasungwa nekuda kwenyaya iyi, kusanganisira hama dzemwana uyu, asi musoro nedzimwe nhengo hazvisati zvawanikwa. 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>