Uncategorized

Akafa anwa muchetura

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Akafa anwa muchetura Tawanda Munemo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMangwende, kwaMurehwa, anonzi akazviuraya nekunwa muchetura nekuda kwezvikonzero zvisati zvazivikanwa.

Tawanda Munemo (37), wemubhuku raGonzo, kwaMusami, akasiya mudzimai Magarate Nyamuronda nevana 4 uye anga achigara kudzimba dzemudurikidzwa kuMbare uko akanwira muchetura ndokufa.

Anonzi anga achigara nemudzimai wake.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira kufa kwemurume uyu nemuchetura.

Martha Munemo

 

 

“Mashoko atakawana kubva kune vamwe vedu kuHarare kwakafira murume uyu anoti paiva nekusagadzikana pakati pemufi uyu nemudzimai wake. Tawanda anonzi aigara achirwa nemudzimai wake nekuda kwezvikonzero zvakasiyana apo vanonzi vairwisana nezvombo zvinosanganisira mapanga izvo zvaimbokonzera murume kutiza mumba kakawanda.

“Zvinonziwo Tawanda akanga ava neshamwarikadzi yatinongoziva nekuti Judith uye muchakabvu uyu aibuda mumba make achienda uku nguva nenguva. Mumba mevaviri ava maiva nemakakatanwa ekushandiswa kwemari uyewo mudzimai wemufi Magarate anonzi akanopisa mimwe midziyo yeshamwarikadzi inova nyaya iri kumapurisa,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Vanoti rimwe remapanga aishandiswa mukurwisana kwevaviri ava rakatopihwa vabereki vemufi uyu.

“Kuvanhu vose zvavo, tinokurudzira kuti vasiyane netsika yekurwisana votsvaga vayananisi kana paine zvinonetsa pane kuti mumwe anozosvika pakuzvipfuudza seizvi,” vanodaro.

Kwayedza yakasvika pamusha pemuchakabvu uyu ndokuita hurukuro nevabereki vake nedzimwe hama dzake.

Victor Munemo

Baba vaTawanda, VaGeorge Munemo (68), vanoti vakazongonzwa rava shoko richiti mwanakomana wavo afa.

“Ndakangonzwa kuti anwa muchetura akafa pasina zvizhinji. Chiripo, ndakagumisira kuenda kuHarare tichinoona mwana mucheche, ndipo pandakaona muroora wangu akanditi aida kutaura neni zvaireva kuti paisava nekuwirirana pavaviri ava. Ndinozviziva kuti vaigara vachirwa,” vanodaro.

Vanoti mwana wavo nemuroora vaigara vachirwisana nezvombo zvinosanganisira mapanga.

Amai vanyakufa, Mai Mandy Kamba (58), vanoti hapanawo zvizhinji zvavakanzwa.

“Isu tinogara kuno kumusha sezvamunoona, mukomana anga achigara nemhuri yake kuHarare. Pane zvakawanda zvinotaurwa zvatisina humbowo nazvo,” vanodaro.

VaVictor Munemo (67), avo vanova babamudiki vaTawanda, vanoti vakazongoona mwana wemukoma wavo ava kuuya chava chitunha.

Mandy Kamba

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Martha Munemo (61) vanove mainini vemushakabvu vachiti vakangonzwa kuti anwa muchetura.

Mai Emengildah Marufu (64) vanova amaiguru vaTawanda vanotiwo vakarwadziwa zvikuru nekufa kwake.

“Ndakanzwa kuti mwana wedu anonwira muchetura pachitoro chiri kumahositeri kwaaigara, akazongoendeswa kuchipatara ndokufa,” vanodaro.

Emengildah Marufu

Tracey Munemo anove hanzvadzi yemushakabvu uye anonzi aiva kuHarare pakaitika izvi akaramba kutaura zvakawanda nekuda kwenyaya yemafiro aTawanda.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemudzimai waTawanda sezvo akawanikwa asipo panhamo apa achinzi akadzokera kuHarare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey