Uncategorized

Akafa nekunwa doro

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Akafa nekunwa doro Hari dzine doro

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuMazowe — nyakuzvifadza nekunwa doro rakasiyana musi weGoredzva — anonzi akazofa nekuda kwekuraradza uku.

Assistant Inspector Naison Dhliwayo — avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central — vanoti Mayor Musenda (38) aigara papurazi reDoxford kuMazowe akabva pamba nemusi wa1 Ndira nenguva dza6 zuva rodoka achienda kuchitoro cheZuva Rabuda kunotenga doro rekuti azvivaraidze.

“Murume uyu akasvikotenga doro remasese remasuper maviri nebhodhoro re250 ml reTwo Keys apo akadzokera zvake kumba. Nguva dzekuma 9 usiku, mumwewo murume anonzi Gift Musora anonzi akazouya pamba apa achida kuona Musenda apo anonzi akabuda mumba achidzedzereka ndokungofamba chinhambwe chidiki achibva angopunzikira pasi ndokutanga kurutsa zvakasimba,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Musenda anonzi akabva angofenda kuburikidza nekurutsa uku apo mudzimai wake akazoshevedzawo Dhiriza Asan (32) kuti vamubatsire kutakura murume uyu kumuendesa kuchipatara.
“Vanhu ava vakazotakura Musenda kumuendesa kuchipatara cheConcession uko akasvika achifa asati abatsirwa. Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa ekamba duku yekuJumbo apo mutumbi wake wakazoiswa mumochari yechipatara ichi kuti uongororwe nanachiremba kuti chii chakauraya munhu,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Vanoyambira vanhu kuti vasiyane netsika yekunwa doro remusanganiswa.

“Tinonzwa kuti murume uyu ainwa doro rakasanganiswa saka hatizoziva kuti chii chaicho chakaitika kwaari. Tinokurudzirawo vanhu kuti vatange vadya vasati vanwa doro uyewo tine rimwe doro risingabvumidzwe munyika muno rinonzi nemachiremba riri kupedza kuuraya vanhu. Tine hurombo hwekuti takarasikirwa neupenyu hwemunhu nekuda kwedoro asi zvizhinji zvichabuda nekuongororwa kuchaitwa mutumbi uyu nanachiremba,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Share This:

Sponsored Links