Uncategorized

Akafira yekudanana nemudzimai wemuridzi

14 Oct, 2021 - 12:10 0 Views
Akafira yekudanana nemudzimai wemuridzi Insp Mundembe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemubhuku raKapishe, kwaMambo Makuni, kuRushinga anonzi akazviuraya nenyadzi apo akanwa mapiritsi ekuchengetedza zvirimwa mushure mekunge mudzimai wake aziva kuti aidanana nemukadzi wemunhu wemunharaunda.

Clever Mashange (39) anonzi akazviuraya nemusi wa9 Gumiguru nenguva dza3 masikati apo mudzimai wake, Joyce Bhutsu (24), akabatikidza mashoko erudo munhare yake nemumwe mudzimai.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi.
“Joyce Bhutsu (24) mudzimai waClever Mashange (39) akabata mashoko erudo munhare yemurume wake zvichiratidza kuti aidanana nemukadzi ane murume wake anoshandira kuSouth Africa,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti Bhutsu aona mashoko aya, akazovhundutsira murume wake achiti aida kutaura nyaya iyi kuhama dzemurume wemudzimai uyu kuti izoendeswa kudare ramambo wemudunhu iri.

“Nekuda kwekutya uyewo kunyara, murume uyu akazotuma mwanakomana wake kuti anotenga mapiritsi ekuchengetedza chibage ndokuunzirwa gumi. Mudzimai wacho akazviona achibva aatora akaarasa, murume uyu akanotsvaga mamwe achibva azonwa ndokuzoendeswa kuchipatara cheMary Mount Mission asi akashaikira munzira,” vanodaro Insp Mundembe.

Mutumbi wemurume uyu wakazoendeswa kuchipatara cheChimhanda kunoongororwa.
“Semapurisa, tinokurudzira vanhu vakaroorwa nevakaroora kuzvibata voita vadikani vamwe chete sezvinotaura kuti zingizi gonyera pamwe chete maruva enyika haapere. Ngatitendekei kune vamwe vedu,” vanodaro Insp Mundembe.

Share This:

Sponsored Links