Akafushira chitunha chemwana mutsime

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Akafushira chitunha chemwana mutsime

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuBattlefield, kuKadoma, akasungwa nemapurisa nemhosva yaari kupomerwa yekuponda mwanakomana wake nekumurova nechidanda, ndokuzonoviga mutumbi wake mutsime.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara vanotsinhira nyaya iyo yavanoti yakaitika nemusi wa28 Zvita gore rapera. “Tine mwana ainzi Elijah Horinda (10) wepaPlot 2 kunzvimbo yeAbenrue kuBattlefield, kuKadoma uyo ari kufungidzirwa kuti akapondwa nababa vake, Blessed Horinda (31). Baba ava vakatosungwa nemapurisa uye vari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Vanoti masikati emusi wa28 Zvita gore rapera, Blessed anonzi akatora chitanda chemuti ndokutanga kurova mwana wake achiti aimuranga pamhosva dzekuba dzaaipomerwa nevemunharaunda.  Pairohwa mwana uyu, mudzimai mudiki waBlessed — Aquiline Chinyama (25) — aiva aripo asi akayeva.

“Mudzimai mudiki uyu aona kuti maroverwo aiitwa mwana ainge anyanya, anonzi akazotuma wake mwana wemakore 7 kunoshevedza munin’ina wemurume uyu, Bryn Horinda (30). Bryn anonzi akasvikoona mwana uyu ava nemavanga ekurohwa muviri wose uye asisakwanise kufamba. Akadzokera kumba kwake pasina zvaataura,” vanodaro.

Bryn anonzi akazodzokera kumba kwemukoma wake husiku uko akasvikoudzwa naBlessed kuti mwana uyu ainge atiza pamba nekuda kwekumurova uko akanga aita. Insp Mabgweazara vanoti Bryn haana kugutsikana.

“Bryn akazivisa dzimwe hama ndokutsvaga mwana uyu uyo vasina kuwana. Nemusi wa17 Ndira, Bryn akazotorana nevamwe vanin’ina vake ndokuenda kurimwe tsime raisashandiswa uko vakanowana rakafushirwa ndokurifukunura vakawana mutumbi wemwana urimo,” vanodaro Insp Mabgweazara. “Vatatu ava vakabva vanomhan’ara nyaya iyi kumupurisa wemumusha uyo akanosunga baba vemwana uyu ndokuenda navo kukamba yemapurisa yeBattlefield,” vanodaro Insp Mabgweazara. Pakazofukunurwa mutumbi wemwana uyu nemapurisa, wakawanikwa watowora.

“Nyaya iyi iri kuferefetwa apo baba vemwana uyu vari kubatsirana nemapurisa,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Share This:

Sponsored Links