Uncategorized

AKAGARWA MATUNDURU NEGUDO

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
AKAGARWA  MATUNDURU  NEGUDO Mai Magarate Mashawiro

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekwaChinamhora, kuDomboshava, akapotsa asiya nyemba mushure mekurwiswa nehoromba yegudo iro rakamurova nezvibhakera, mbama nekumuruma ndokuzomusiya ava nemaronda muviri wake wose.

Mai Magarate Mashawiro (49) — avo vanogara mubhuku raSasa — vanoti vakasangana nemashura aya kuma5 dzezuva rodoka nemusi weChipiri svondo rapera apo vaida kudzinga makudo aiva muchivanze chemusha wavo.

“Musi uyu masikati, makudo aidarika makumi maviri akadzika nemujinga megomo reMusungwa iro rinobatana nereNgomakurira. Pakati pawo paiva nerimwe gudo diki rainge rakafugidzwa jira dzvuku mumusoro kusvika pamusana.

“Ndakanyatsoona gudo iri richivhura jira iri kuti rikwanise kuona zvakanaka. Akabva adarika tikangofunga kuti pane chinodaro bedzi — ini ndakangoti rainge rangokochekerana nejira iri musango sezvo mumiti yemo muchisungirirwa machira matsvuku nen’anga nemaporofita,” vanodaro Mai Mashawiro.

Vanoti makudo aya akazodzoka zuva rodoka achitevedza gomo iri, asi ndokuzosandura gwara rawo onanga nekumba kwavo uko kune miti yemimango neyemizhanje emusango.

“Inini ndaibva kunochera mvura kutsime, muzukuru wangu ari Grade 3 aiva pachivanze achidya sadza. Ndakanotura mugomo wemvura pasi ndokufamba ndichienda nekwaibva nemakudo aya apo akabva amira.

“Horomba yacho yakamira nemakumbo maviri yakanditarisa, ndokutanga kuchema apo mamwe acho akabva atevedzerawo. Hombe racho rakakanyaira rakandinanga richiita zvekumhanya apo rakasvikonditsandabvura nechisimba ndokundiwisira pasi nedivi rekuruboshwe.

“Rakanditsika-tsika, rakandiruma chigunwe zvose nekumeso kusanganisirawo kumusana apo raindirova kumeso rakaita zvekundigara matunduru.”

Mai Mashawiro vanoti ipapo, gudo iri rakavadzipa pahuro kusvikira voda kufenda.

“Ndakapotsa ndafa, handina kana kusimuka nekuti simba racho ndainge ndisisina. Mamwe acho ainge akandikomba, hombe racho richindirwisa. Ndakabuda ropa mukanwa nemumhuno nekurwiswa uku,” vanodaro Mai Mashawiro.

Vanoti vakazonunurwa nemumwewo mudzimai uyo akanzwa kuchema kwavo, ndokudzinga makudo aya achiita zvekupotsera mabwe achibva azotizira mugomo reMusungwa umo mune chiro chawo.

“Gudo iri rapedza kundirwisa kudaro, rakazodzoka zvakare richiita zvekundinyangira ndakagara pano pamba richida kunondibata nekugotsi ndichibva ndaridza mhere apo rakazotiza. Zvave kundinetsa nekuti makudo aya ari kuuya pano achipfurunura imba yangu yehuswa, anopinda achitora poto kana ndiro dzine sadza nekumwe kudya.

“Apa handina huswa hwekupfirira imba iyi nekushaya mari.”

Imwe nyaya inovashamisa vanoti gudo guru rakavarwisa iri rinouya rosvikogara pamusiwo wemba yavo yekubikira rakafukatira mumba richida kurwisa vanhu.

“Tikawana makudo aya asvika pamusha tisipo, iro horomba rinogara pamusiwo rakafukatira mumba achichema zvekuti hatikwanise kupasvika pamba ipapa. Dzimwe nguva tinowana akazara mumba kunyangwe dhoo rakavharwa apinda nepamusoro,” vanodaro.

Makudo aya anonzi ari kudzingirira vana pamusha apa.

“Ari kudya huku nembudzi muno, hatichaziva kuti inzara here. Kana hupfu chaiho munowana abvarura masaga kana kuvhura migomo.

“Nekurwiswa kwandakaitwa negudo iri, ndiri kurwara zvikuru uye ndiri kugara ndichirutsa ropa. Kufamba chaiko handisi kugona uye ndakakuvara maziso zvekuti handisi kuona zvakanaka. Kuchipatara handina kuenda nekuti handina mari yacho, ndakangotenga mapiritsi chete.

“Ndinotonzwa ropa kunhuhwa mumhuno mangu uyewo chipfuva changu chinondirwadza zvekuti handirare zvakanaka.”

Mai Mashawiro vanoti vakamonyororwa ruoko nebveni iri izvo zvavanofunga kuti rinogona kunge rakavatsemura bhonzo.

“Huro yangu yakazvimba, handisi kukwanisa kudya kana kunwa mvura.”

Vanoti nguva pfupi yadarika, makudo aya akarova mumwe mwana ari kuiita Grade 6 anobva mubhuku raJeyi ikoko akatoshaika.

Innocent Shonhiwa (30), mwanakomana wepamusha apa, anoti musha wavo wave kutyisa kugara nekuda kwemakudo arura aya.

Mutauriri webazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanoti vanhu vakaona mhuka dzesango dzichida kuvarwisa, vanofanirwa kukurumidza kuzivisa bazi ravo kotorwa matanho.

“Mhuri iyi ngaiende kumahofisi edu kuitira kuti nyaya iyi ikurumidze kuonekwa nezvayo nekuti makudo aya achaguma auraya vanhu. Tine patinogona kuwana mvumo yekuti dzimwe dzemhuka idzi dziuraiwe nekupfurwa,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti mudzimai uyu haana kurohwa negudo kunyangwe zvazvo iye aiona sebveni, asi kuti chidhoma.

“Tikatarisa kuti rimwe gudo raiva rakafukidzwa jira dzvuku, zviri pachena kuti nyaya iyi ine chivanhu mukati. Tinoti tsandukwa yekuti chinhu chinosandurwa iwe wochiona zvisizvo.

“Amai ava vari kutumirwa zvikwambo kana zvidhoma, haasi makudo ayo,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu kuti arapwe vanogona kuridza nhare dzinoti 0785 598 543 kana 0788 914 023.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey