Akaisira mukadzi chepfu mumvura

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Akaisira mukadzi  chepfu mumvura

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu—

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mudzimai akati murume wake akamuisira muchetura mumvura yekunwa achida kumuuraya zvichitevera kunetsana kwavari kuita nenyaya yemba.

Rornia Charama akaendesa Lloyd Mashoro kudare reHarare Civil Court achitsvaga kudzivirirwa sezvo ari kuti ari kumushungurudza zvekusvika pakuda kumuuraya.

“Ngaabve zvake pamba pangu nekuti ndava kutyira upenyu hwangu. Ndini ndakatenga nzvimbo asi anoti tikanetsana kana anga akandibatsira kuvaka nemahwindo, anoabvisa achiti haisi imba yake,” anodaro Charama.

Anoti kugara vose kwava kunetsa sezvo Mashoro akamuisira muchetura mumvura akazoudzwa kuchipatara kwaakanorapwa kuti mushonga wacho unokuvadza.

“Akandiisira mushonga mumvura yekunwa ndikaudzwa kuchipatara kuti unokuvadza, ndikaenda naye kumapurisa asi ndikazomuregerera. Nyaya yacho ndeyeimba iri muzita mangu yaari kuda,” anodaro Charama.

Anoenderera mberi achiti Mashoro anotora midziyo yemumba achitengesa.

“Ndikabva pamba, dzimwe nguva ndinodzoka ndichiwana midziyo isimo. Kumubvunza anoramba asi tikaenda kumapurisa anotaura vanhu vaanenge atengesera,” anodaro Charama.

Mashoro anopikisana naCharama achiti ari kutaura manyepo mudare.

“Anonyepa zvose zvaari kutaura. Midziyo yaari kutaura imota yangu yandakatengesa ava kutanga kundipopotera ndikamuratidza mapepa ekutengeserana kwandanga ndaita iye akaabvarura ndikatozopihwa mamwe.

“Imba yaari kuti ndinobvisa mahwindo ndini ndakaivaka saka kana kuri kubvisa ndingatopwanya yesezve,” anodaro.

Mashoro anoti Charama ave nemumwe murume waari kudanana naye.

“Ava nemumwe waari kufambidzana naye saka ndinobva hangu kana achinge andipa mubhedha, wadhirobhu nefiriji yangu,” anodaro Mashoro.

Charama anobvuma kuti achapa Mashoro midziyo yake.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Charama gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey