Uncategorized

Akakanda musvesvenenga wenyoka pakati peHarare

28 Jan, 2020 - 22:01 0 Views
Akakanda musvesvenenga wenyoka pakati peHarare Chaunga chevanhu chakaunganira mota yainzi yaive yapinda nyoka apo Kudzayi Muchapondwa aimwaya mushonga wekuti nyoka yacho ibude - Mifananidzo naKimberley Kazungu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

YAKAVE batai-batai panosangana migwagwa Nelson Mandela naSam Nujoma, pakati peguta reHarare masikati emusi weChina chadarika apo mumwe mutyairi wemotokari anonzi akadonhedzera nyoka pasi, iyo yakazonopinda muimwe motokari yainge yakamira padivi pemugwagwa.

Veruzhinji vakaita chipiti-piti kumhanya, vamwe vachitiza asi vamwe vachienda panzvimbo iyi kuti vanozvionera.

Pakasvika Kwayedza apa, vamwe vevanhu vainge vaunganapo vaizeza kusvika pedyo nemotokari yainzi ndiyo yainge yapinda nyoka iyi.

VaTrymore Mabhutsu (45) – avo vanotengesa michero panosangana migwagwa iyi – vanoti vakaona nyoka ichidonhedzwa mumota yaifamba nemugwagwa naNelson Mandela Way ichibva yazonodzika munaSam Nujoma Street.

“Kwauya mota yandingati iHonda Fit iyo yadonhedza nyoka inenge nhema semhungu kana kuti shato iyo yapotsa yaruma madzimai anga achidarika nepamarobbots apo.

Yazonopinda pasi pemotokari yakamira yerudzi rweBMW iyo, pataitsvaga tabva taishaya,” vanodaro VaMabhutsu.

Vanhu vakaungana panzvimbo iyi vakaedza kutarisa nyoka yacho pasi nemukati memotokari yayainzi yainge yapinda iyo yakatombomutswa ikafamba kwechinhambwe asi haina kuonekwa.

Kudzayi Muchapondwa (35) – uyo anozviti ndiye muridzi wemotokari inonzi yainge yapindwa nenyoka iyi uye akasvikirwa nevatori venhau aripo – anoti akatoita zvekuudzwa nezvenyaya iyi nevamwe vanhu sezvo iye ainge angosiya apaka mota yake.

“Ndazongonzwa kuti mumota mangu mapinda nyoka iyo inonzi yadonhedzwa neimwe motokari yanga ichidarika. Ndinopaka mota yangu zuva roga-roga ipapa, ini handina mushonga kana nyoka,” anodaro Muchapondwa.

Vanhu vaive vaungana panzvimbo iyi vakazoshamisika zvakare apo mumwewo murume akazviti anonzi Anderson Nota (34) akasvikawo achiti mota yaiva yapindwa nenyoka iyi ndeyake.

“Mota iyi ndeyangu, ndine dzakawanda muno uye ndiri vmuvhanda saka ndangonzwa kuti mapinda nyoka. Ini ndinoita mari nekutengesa, mota idzi dzakawanda dzandinotenga nekutengesa zvakasiyana muno (muHarare),” anodaro Nota.

Vamwe vanhu vakataurwa navo vanoti varidzi chaivo vemota yainzi yainge yapindwa nenyoka iyi vainge vasipo, avo vanonzi vakanga vatiza pakangopinda nyoka iyi mumota iyoyi.

“Vamataura navo vose hapana muridzi wemota apa, vanongova vanhu vatumwa kuzovhara mahwani. Iye chaiye muridzi wemota ane mandebvu, vanoziva nyaya dzavo,” anodaro mumwe murume achiudza vatori venhau veKwayedza.

 

Share This:

Sponsored Links