Uncategorized

Akakandirwa nyoka mumba

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Akakandirwa nyoka mumba Nyoka yerudzi rwemhungu yaive iri mumuti uyu pedyo nemugwagwa kuSanyati nguva pfupi yadarika iyo yaive njodzi kune vanhu vaidarika nepasi pemuti uyu. — Mufananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Danisa Masuku
VANATSIKAMUTANDA vakazoshaya pekupinda nekunyara apo chitsotsi chavaida kuita chekushandisa nyoka yavo yaive mubhegi — iyo vaida kuzoti yaive yemhuri yepamusha pavainyebera kuchenura kuGokwe — chakabuda pachena zvikaita kuti vazobvapo vave kutiza vachida kurikitwa nechaunga.

Vanatsikamutanda avo vanozivikanwa nemazita ekuti Gondo naDamba, avo vanobva kwaNembudziya, kuGokwe ikoko, vanonzi vakange vapomera Rungano Moyo uyo anogara mubhuku raMandeya kuti ane nyoka yaitora zvirimwa zvevamwe vanhu vemubhuku iri kuburikidza nemasaramusi.

Apo vaiita basa ravo, pane mumwe mugari wemubhuku iri akaona Gondo achitora nyoka nhema kubva mubhegi rake. Mumwe wevari kuziva nezvenyaya iyi anoti Gondo akabva akanda nyoka iyi muimba yekurara yaMoyo.“Gondo akabva atanga kutaura kuti vakange vabata nyoka yaitora zvirimwa zvevagari vemubhuku iri kuburikidza nenzira isinganwisisike. Panguva iyi, mumwe wevagari vemubhuku iri akabva asimuka ndokushevedzera kuti akange aona gondo achiburitsa nyoka kubva mubhegi rake,” anodaro ari kuziva nezvenyaya ino.

Zvinonzi vagari vemubhuku iri vakabva vabatana, ndokumisa vanatsikamutanda ava kuti varegere kuenderera mberi nezvavaiita.

Sabhuku Michael Mandeya vemunzvimbo iyi vanotsinhira nyaya iyi.

“Apo vanatsikamutanda vakange vari mushishi ‘kuchenura’ pamusha paMoyo, mumwe mugari wemubhuku rangu akaona chitsotsi chavo apo vakabva vabatana ndokuda kurova Gondo naDamba vachivapomera kuti vaitamba nepfungwa dzavo uye kuti vaivarozva zvipfuyo zvavo vachishandisa nzira dzechitsotsi,” vanodaro Sabhuku Mandeya.

Vanoenderera mberi: “Vagari vemubhuku rangu vakagumbuka zvikuru kuti vanatsikamutanda ava vaida mombe nembudzi kuti vabvise zvinhu zvavaiti zvikwambo kana kuti minyama kuvanhu vakasiyana izvo zvaikonzera kuti vasare vari varombo. Moyo akange atobhadhara mombe nhatu kare achida kuti vabvise nyoka iyo vaiti anayo.

“Vagari vemubhuku rangu vakavaudza (Gondo naDamba) kuti vadzosere Moyo mombe dzake uye nezvimwe zvose zvavakange vatora kubva kune vamwe vanhu.”

Sabhuku Mandeya vanoti vagari vemubhuku ravo vakazopisa nyoka iyi kunyangwe zvazvo vamwe vaiti yaifanirwa kutorwa yoendwa nayo kune veZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naGondo naDamba sezvo nhare dzavo dzakaramba kubatika zvachose.

Share This:

Sponsored Links