Akamitisa amai vake

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Akamitisa amai vake

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuDzivaresekwa Extension Phase 1, muHarare, asi kumusha ichibva kuChiweshe, yashaya pekutangira zvichitevera nyaya yemwanakomana uyo akamitisa amainini vake —amai vake mbune — vachiti kutamba ‘‘sekumahumbwe”.

Mimba yemakunakuna iyi yatova pedyo kusunungukwa.

Vemhuri iyi vakatomboungana vachizeya mashura aya apo pakazowiriranwa nyaya dzekuripisana.

Patsika dzemuZimbabwe, makunakuna haatenderwe sezvo chichinzi chipini chinogona kukoka jambwa kana matambudziko kumhuri zvose nekudunhu.

Gogo Makaza

Mukomana uyu anonzi akadanana naamainini vake — mwana wasekuru hanzvadzi yaamai — zvekusvika pakuvaitisa pamuviri.

Mbuya vevaviri ava —Mbuya Mandy Makaza (60) — vanoti vazukuru vavo vakaita chipini ichi ndiMandy Svinurai (18) anova sazita wavo mwana wemwanakomana wavo mukuru naWebster Chapusa (19) mwana wemwanasikana wavo.

Webster Chapusa

Pavakaita mashura aya, vaviri ava vanga vachigara pamba pamwe chete.

Mandy ari kutsinhira kuti akadanana naWebster kusvikira pakuitiswa mimba apo vaifunga kuti vaitamba.

Anoti “nekuputika kwenyaya iyi, hatichadanana”.

Mbuya Makaza vanoti nyaya yemakunakuna iyi yavatenderedza misoro semhuri.

“Vazukuru ava vose ndaigara navo kwaNegomo, kuChiweshe. Webster mwana wemwanasikana wangu Vaidah Svinurai, uyuwo Mandy mwana wemwanakomana wangu Miriyoni Svinurai. Kureva kuti Webster mwana chaiye kuna Mandy.

“Takaitirwa makunakuna chaiwo pano,” vanodaro Mbuya Makaza.

 

Mandy Svinurai

Vanoti pakaitika izvi, Mandy naWebster vaigara pamba pamwe chete — vachiitana amai nemwana.

“Musikana paaimbogara nababa vake, akatanga kushungurudzwa naamainini mukadzi wababa vake zvikaita kuti atize kumba achinogara kumba kwatete vake — kumba kwanaWebster.

“Vari ikoko, nguva zhinji vaisara vari voga sezvo mwanasikana wangu amai vaWebster vaipota vachimboenda kunze kwenyika kunohodha. Saka vaviri ava vakawana mukana ndokudanana kusvikira musikana abata pamuviri,” vanodaro Mbuya Makaza.

Nyaya yekudanana kwevaviri ava inonzi yakabuda apo Mbuya Makaza vakatora Mandy paaingorutsa ndokuenda naye kukiriniki yekwaRosa, kumusha kuChiweshe, uko kwaakaonekwa kuti ane pamuviri.

“Pazvakabuda, takaungana semhuri apo mukuwasha wedu baba VaWebster vakanzi nedare varipire mwanakomana wavo $100 vachiipa kunababa vemusikana, asi amai vamandy ndokuti vanoda $200 iyo isina kuzobviswa kusvika izvozvi.”

Musikana akatosiira chikoro panzira apo anga ava Form 2.

Vaidah Svinurai

Mbuya Makaza vanoti vari kuda kuti Mandy – uyo wavanoti anogona muchikoro – adzokere kuchikoro kana asununguka.

“Pamuviri apa takanyoresa asi hatina mbatya dzekuti mwana uyu azopfeka kana mateneti chaiwo hapana. Tete vacho amai vemukomana vakatengawo zvishoma.

“Pamuviri apa patova nemwedzi 7, pari kugara pachimurwadza saka tiri kunzi tiende kuParirenyatwa asi mari yacho hatina,” vanodaro.

Mbuya Makaza vanotizve ndivo vari kugara naMandy kubva paakamitiswa vachimirira kuti asununguke.

Mandy anotaura nezverudo rwemakunakuna naWebster achiti hapana akamanikidza mumwe.

“Takadanana plus taiti taitamba.

James Chapusa

‘‘Asi takazorambana pakabuda nyaya iyi. Ndinoda kudzokera kuchikoro kana ndasununguka uye ndiri kutsvagawo rubatsiro ndiende zvangu kubhodhingi. Handinazve mbatya dzemwana wandichasununguka, apa nguva yafamba,” anodaro.

VaJames Chapusa (43), avo vanova baba vaWebster, vanoti Mandy muramu wavo, uyo akazopihwa

pamuviri nemwanakomana wavo.

Vanoti havazive kuti mwana achaberekwa vachamuti muzukuru here kana kuti mwana.

“Hatizive kuti pachafambiswa sei nekuti amainini Mandy vave kutoda kusununguka pamuviri pavakapihwa nemwana wangu. Baba vaMandy nditezvara kwandiri, ihanzvadzi yemudzimai wangu. Aya ndiwo makunakuna chaiwo,” vanodaro.

Kuchiti Mai Vaidah Svinurai (38) — vanova amai vaWebtser uye vari tete kuna Mandy — vari kushora zvakaitwa nevaviri ava.

“Nyaya iyi yaitika, hanzvadzi yangu akati anoda kuripwa $100 iyo akapihwa nemurume wangu. Asi muroora wangu amai vaMandy akati anoda $200 iyo tiri kutsvaga.

“Vana ava vakakanganisa, tinochengeta hedu mwana wemakunakuna kana azvarwa.

“Wangu mwana Webster akapedza chikoro asi Mandy ndiye asina, saka tinoda kuti adzokere kuchikoro,” vanodaro.

Vanoti nyaya yemakunakuna iyi yave kubatanidzwa neyekunzi ivo vane mudzimu unonzi ndiwo wakakonzeresa chipini ichi vachiti aya manyepo. Kwayedza haina kuonana naWebster uyo anonzi akamboda kuzvisungirira apo akabvunzwa nezvenyaya iyi.

Kwayedza hainazve kutaura nababa naamai vaMandy pamusoro penyaya ino.

Share This:

Sponsored Links