Kwayedza

Akamuka aguswa musoro

Absolom Kufa achitaridza musoro wake uyo wakafuma wakagerwa pamwechete nedumbu rake rakazvimba - Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kingstone Mapupu
MURUME anogara mumusha weZengeza, kuChitungwiza anoti akangofuma agerwa vhudzi remumusoro make nevaanofungidzira kuti varoyi mushure mekunge arara asina zuda.

Kubva paitika mashura aya, murume uyu anotizve ave kusangana nematamudziko makukutu sezvo achiti anonzwa zvinhu zvinomufamba-famba mumuviri make achiita seanobaiwa nepfumo uye dumbu rake richingofutunuka.

Absolom Kufa (43) anoti dambudziko raave naro rakatanga apo pamba pavo paifamba chinhu pamusoro pemba kana huri husiku icho chavasati vaona.

“Ini nemhuri yangu tagara tichinzwa chinhu chinofamba pamusoro pemba icho tisati tamboona kunyangwe tikabuda panze. Ini ndakangomuka kuseni ndakagerwa vhudzi mumusoro mangu nechekugotsi zvose nepakati pemusoro. Kuita kuveurwa chaiko sekunge ndakagerwa nechisvo (reza).

“Vhudzi iri handina kuriona kwarakaenda, kunyangwe mudzimai wangu haana chaakaonawo. Kusvika nanhasi panzvimbo dzakafuma dzakaguswa hapamere vhudzi.

“Mumazuva iwayo azvaitika, ndakazonzwa chinhu chakapinda mugumbo rangu chichiita kubaya sepfumo uye chichitonhora zvikuru zvekuti kusvika nanhasi ndinonzwa sechirimo,” anodaro Kufa.

Murume uyu anoti kubva ipapo, muviri wake wave kungogara uchizvimba uye anoenda kumachiremba kunovhenekwa asi pachishaikwa chirwere.

“Kubva pandakagerwa, minyama yacho yawanda uye hurwere hauchapera. Ndinogara ndichingova kuchipatara, muviri wangu unozvimba, dumbu rangu ranzwa nekuchekwa ndichiongororwa namachiremba kuti chii chinoitisa izvi. Asi hapana chinoonekwa. Mukaona izvozvi dumbu rangu riri kungofutunuka,” anodaro.

Kufa anoti apedza kufamba nenyika achitsvaga kubatsirwa asi pasina zvisvinu zvinobuda.

“Ndine zvinhu zvinofamba-famba mumuviri mangu izvo zvinochinja nzvimbo nguva nenguva. Kwandinofamba ndinonzi vhudzi rakagerwa rikaiswa mukadende umo rinoshandiswa zvinoita kuti ini ndisabudirire nekundiita kuti ndirware.

“Chinhu chandinonzwa chinofamba-famba kubvira kumusoro, mumapendekete, kumusana, mudumbu, mumaoko, kusvika kumakumbo – muviri wangu wose zvawo.”

Anoti dambudziko rimwe chete iri raenda nekuvana vavo vana avo vanotanga kuchema vachiti vanonanairwa nezvinhu.

“Ndinobaiwa pachipfuva changu sepanopinda pfumo. Mudumbu mangu mukatanga kurira zvinodairana nemusana uku musoro uchibanda kutema.

“Vandave kunyanya kuchema vana vangu nekuti kana ndiri ini ndangomirira hangu kufa,” anodaro.

Kufa anoti kumwe kwaanofamba anoudzwa kuti akadyiswa mushonga usina kunaka wechivanhu uyo waiva mubota.

“Pamusoro pezvose, dambudziko iri randisiya ndisisiri murume pane vamwe nekuti handisisina simba pabonde. Vadzimai vangu vave kugarira nhamo zvekuti ndinotovanzwirawo tsitsi.

“Zvinonziwo ndakaiswa zvipotswa asi handizive kuti chii ichocho,” anodaro Kufa.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumurume uyu, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti kana munhu akafuma akagerwa vhudzi, zvine chekuita nemabasa evaroyi.

“Murume uyu anofanirwa kubatsirwa nekuti vhudzi rake rakaendeswa kurefu nezvaakaitwa izvi. Asi zvazvo idambudziko rinogadzirika zvichipera,” vanodaro.