Kwayedza

Akanozvisungirira pamusha patezvara

Sukoluhle Ndlovu

MURUME wemubhuku rekwaChakaipa kwaMambo Gwesela, kuZhombe, anonzi akazvisungurira pamusha pavatezvara vake zvichitevera kunetsana kwaakaita nemudzimai wake nenyaya yekuita gumbo mumba, gumbo panze.

Peter Mlauzi (30) anonzi akazvisungirira mushure mekunge aziva kuti mudzimai wake, Blessing Manokore, aidanana nemumwe murume wemunharaunda.

Mambo Gwesela vanotsinhira nyaya iyi vachiti vagari vemudunhu ravo vachiri kukatyamadzwa zvikuru nechiitiko ichi.

“Zvakaitwa naMlauzi zvinotyisa uye tichiri kuda kunzwisisa kuti zvakanyatsofamba sei. Aive murume aishanda nesimba achiita basa rechikorokoza kuti mhuri yaka irarame pamwe nekuriritira vanatezvara vake,” vanodaro.

Mambo Gwesela vanoti pazuva iri, Mlauzi akaziva kuti mudzimai wake ari kudanana nemumwe murume wemudunhu ravo.

“Paakanzwa nezvenyaya yekuti mudzimai wake ari kudanana nemumwe murume, akaona kuti ainge asina kuvimbika achibva asarudza kutora upenyu hwake ndokuzvisungirira pamusha patezvara vake,” vanodaro Mambo Gwesela.

Vanoti Mlauzi akatovigwa uye vari kutarisra kunoona mhuri yekwaManokore kuti varonge nyaya yekuchenura dunhu ravo zvichitevera kuzvisungirira kwakaita murume uyu uko kwavanoti kunogona kukoka minyama.

“Ndichasangana nemhuri iyi svondo rinouya kuti tiite chirongwa chekuchenura nzvimbo tibvise mweya waMlauzi nekuti kana izvi zvikaregedza kuitwa, tinogona kusangana nematambudziko,” vanodaro.

Mambo Gwesela vanoyambira veruzhinji kuti kana vachinge vatadza kunzwisisana mukugarisana kwavo vatsvage vanovapanga mazano pane kutora upenyu hwavo.