Uncategorized

AKANWISA VANA ROPA. . .ndokuvadyisa zizi mbishi

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
AKANWISA VANA ROPA. . .ndokuvadyisa zizi mbishi Rabson Driano

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANA vanomwe vanogara mumusha weDzivaresekwa Extension, muHarare, vari kunzi vakatorwa nechisimba nemumwe murume uyo akaenda navo muchisango cheko, ndokunovagusa vhudzi repanhova dzavo vose, achibva avanwisa ropa rezizi nerimwewo risati razivikanwa kuti nderei, pashure ndokuvamanikidza kudya nyama mbishi.

Mukomana wechidiki anonzi Tafadzwa Mavhurere Goriyati (18) uyo anogara munzvimbo iyi ndiye ari kunzi akaita izvi.

Goriyati – uyo akatiza vatori venhau veKwayedza paakashanyirwa svondo rapera – anonzi akatora vana ava ndokuenda navo kukasango apo aiti aida kunovapinza mumutambo wezvigure sezvo iye achitambawo mutambo uyu.

Mudiki pavana ava ane makore matatu okuberekwa kuchiti mukuru wavo ane makore gumi nerimwe chete.

Muhurukuro neKwayedza, vana ava vanoti vaiitiswa izvi apo vainge vachirohwa neshamhu naGoriyati senzira yekuvamanikidza kuti vabvume zvaaida.

Goriyati anonzi akauraya zizi achiita rekudimbura mutsipa achishandisa chigero icho akanga ageresa vhudzi revana ava.

Pamusoro pazvo, Goriyati anonzi akabatidza moto apo aimanikidza vana ava kutsika mavhunze acho, iye achishaura kambo kaisazivikanwa nevana ava.

Vhudzi rakagerwa vana ava rose harina kuonekwa kwarakaiswa.

Mumwe wevana vakanwiswa ropa, kudyiswa nyama mbishi nekugerwa panhova – uyo ari kuita Grade 1 pane chimwe chikoro cheko – anonzi akatodzingwa pachikoro nevakuru vepo achipomerwa kuti ave kuita zveSatanism mushure mekunge nyaya iyi yasvika kuchikoro.

Kwayedza yakakwanisa kutaura nevamwe vechikuru vemumusha uyu, avo vari kutsinhira nyaya iyoyi.

Sekai Chomusanga (40) naPatricia Nyika (26) vanoti vave kugara vachitya nekuda kwezvakaitwa kuvana ava.

“Vana ava vakangobva makuseni vasina kunwa tea ndokuswera vasipo. Takazonzwa kuti vana ava vainge vaswera naGoriyati uyo anotamba zvigure. Takazovaona vachidzoka vakagerwa misoro.

“Ndakazovabvunza vakadura kuti vainge vagerwa vhudzi repanhova vose vari 7, vhudzi ravo rikatorwa naGoriyati uyo akariisa mukadende. Vanoti vakazonwiswa ropa rezizi rainge rauraiwa vachiona uye rakasanganiswa nerimwe ropa risingazivikanwe kuti nderei,” anodaro Chomusanga.

Anoenderera mberi: “Takazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuDZ Extension Base apo takadarikidzwa kuDZ ZRP Main Station kuchikamu cheVFU (Victim Friendly Unit). Ikoko takanzi paisava nemhosva yaparwa naGoriyati.”

Nyika anotsinhirawo kuti vana ava vakagerwa, kunwiswawo ropa nekutsikiswa moto.

“Pakutanga vana vaitya kutaura asi vakazobvuma. Vakavhundutsirwa zvekuti kana nanhasi havana kusununguka kutaura nyaya iyi, havadi kuramba vachiitaura. Izvozvi mumwe wavo akadzingwa kuchikoro achinzi muSatanist uye kunzi vakanwiswa ropa,” anodaro Nyika.

Vabereki vevana ava vanonzi vakakwidza nyaya iyi kusangano rinomirira kodzero dzevana, reJustice for Children Trust, uko vava kubatsirwa.

Vanonzi vakapihwawo matsamba anosanganisira yakaenda kumapurisa nekuchikoro kwakadzingwa mumwe wevana ava kuti adzoserwe pachikoro.

Vabereki ava vanonzi vakaendawo kumukuru wezvigure munzvimbo iyi uyo akaramba kuti zvakaitwa nemukomana uyu zvine chekuita nemutambo wezvigure.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro akaita nyaya iyi.

Pakasvika Kwayedza pamba panaGoriyati ichida kunzwa pamusoro penyaya iyi, mukomana uyu akabva atiza.

Zvisinei, mukoma wake, John Mavhurere (19), anotsinhira kuti munin’ina wake akagusa vana ava vhudzi pamwe nekuvadyisa nyama mbishi yezizi yaive yakasanganiswa neropa.

“Goriyati atinetsa pano, nyaya iyi akaiita. Akabvunzwa akabvuma achiti aida kupinza vana ava zvinyahwe. Pano anetsa nekuba, kazhinji hembe dzangu handisisina nemari anoba uye kuti ndimusungise munin’ina wangu. Atonetsa muno,” anodaro John.

Mai Shupikai Mbimbi (39), avo vanova amai vaGoriyati, vanotsinhirawo vachiti, “Ndakaona vabereki nevana vava kuuya pano vachiti vagerwa naGoriyati vakanwiswa ropa nekutsikiswa moto. Iye Goriyati ndakamubvunza akabvuma kuti akazviita achiti aivapinza zvigure. Kana ndiri ini ndakazvishairwa pazvo,” vanodaro.

Vanoti Goriyati anonyanya kutora zvinodhaka.

“Ndine vana vatanhatu, asi zvaGoriyati zvandikunda. Anonwa doro rinodhaka zvakanyanya nekuputa mbanje nemapiritsi anodhaka – zviya zvinozi mangemba anotora,” vanodaro Mai Mbimbi.

Vanoti dambudziko ravo nderekuti baba vevana ava vakashaika saka hapana

wavanotya pamba apa.

VaRabson Driano (36) – avo vanova mukuru wezvigure munzvimbo iyi uye vachizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mukuru Bhutsu – vanoti nyaya iyi yakasvitswa kwavari.

“Vabereki vevana vakauya kwandiri nenyaya iyi ini ndikamutsvaga Goriyati akati aitamba zvake nevana ava. Ipapo akanditukidzira pandamubvunza nemashoko andisingagone kutaura.

“Hongu, inhengo yedu asi zvaakaita ndezvake oga, hatirove vanhu isu kana kudyisa vanhu nyama mbishi nekuvanwisa ropa. Kana zvekugera uko akaita vana ava isu hatizviite. Ndakamuti andipe vhudzi raakagera vana ava asi akaramba naro, handizive kuti anoridii,” vanodaro.

Vanoti hazvibvumirwe kubata vana vadiki vachiendeswa kuzvigure.

“Mukomana uyu ari kusvibisa zita regule muno, izvozvi tasvitsa mwedzi mitanhatu tisingatambe nekuda kwezvaanoita zvinotikanganisa. Tine hurongwa hwekumbomutora toenda naye musango tonomuranga kwemasvondo maviri nekuti Goriyati anetsa,” vanodaro.

Sekuru Friday Chisanyu – avo vanova mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, reZimbabwe National Practitioner’s Association – vanoti vana ava vakashereketerwa nekudaro vanoda kubatsirwa.

Kuchiti Madzibaba Mateo Mupfumbati (40) vekuBudiriro, muHarare, vanotiwo, “Pane zvakawanda zvinoitiswa vhudzi revanhu zvehuroyi, onai akanwisa vana ropa. Vana ava vanogona kuita mazungairwa kana kurasa njere.”

 

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links