Uncategorized

Akaponda baba achivati muroyi

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

VAGARI vepapurazi reHale Farm, kuMt Hampden pedyo neHarare, vakasara vasina neremuromo nguva pfupi yadarika zvichitevera nyaya yemwanakomana anonzi akaponda baba vake achivapomera mhosva yekuti vaimushandisira mishonga inomupa minyama pamwe nekumunyima mugove wake wemugodhi wezvicherwa.

VaFord Sabe Mapuranga (70) vanonzi vakapondwa nemwana wavo, Mike Mapuranga (43), achiita zvekuvatema nebhemba uye ari kutsvagwa nemeso matsvuku nemapurisa mushure mekutiza paakapara mhosva iyi.

Mapurisa anotsinhira nyaya iyi vachiti vari kutsvaga Mike.

Kwayedza nemusi weChishanu svondo rapera yakashanyira nzvimbo iyi ndokuwana vanhu vakaungana parufu rwaVaMapuranga. Mudzimai mukuru wemushakabvu, Mai Constance Mapuranga (60), vakatsinhira nyaya yekuti Mike ndiye anonzi akaponda baba vake mushure mekunge vanetsana achivapomera kuti vaimushandisira huroyi.

“Ini handina hangu zvakawanda zvandinoziva nekuti ndinogara kuDzivarasekwa. Ndave nemakore 13 ndasiyana nemurume uyu, akange ave kugara ne‘small house’ yake ine makore 30 ekuberekwa kuno uye vane vana vana.

“Iyeye mudzimai wechidiki wavo ndiye angakwanisa kutsanangura zvakaitika asi zvino haapo. Asi nyaya yandakanzwa ndeyekuti VaMapuranga vakanetsana nemwanakomana wangu, Mike Mapuranga (43), nenyaya yaaivapomera yemishonga yaanoti yaimutadzisa kushanda.

“Zvedi, baba ava vaibvuma kuti vane mishonga uye vaitobheja kuvana kuti hamufi makawana basa. Saka (anonzi) akavatema nebhemba mumusoro vakazowanikwa vakazvambarara vari nechepamugwagwa uri pedyo nepamba pavo,” vanodaro Mai Mapuranga.

Masvondo maviri adarika, pane murume harahwa wekwaSeke, uyo akafa achirohwa nekupiswa nemoto nehama dzake, kusanganisira vanakomana vevanin’ina vake, apo aipomerwa kuti muroyi. Mumwe wevari kupomerwa kuponda akatosungwa uye vamwe vake vachiri kuvhimwa nemapurisa.

Mai Mapuranga vanoti murume wavo akatombovingwa nevamwe vanaTsikamutanda vachida kumutorera mishonga yake asi zvakakona.

“VanaTsikamutanda vakawanda vakauya vakamukonewa. Kune mumwe ainzi Sekuru Dhumba akambouya achiti anoda kuvatorera zvinhu zvavaive nazvo asi vakamubhejera vakamuti, ‘Pinda mumba umu ubate zvinhu zvangu tione kuti unobuda usiri bofu here?’ Sekuru Dhumba vakachepeswa vakatya kana kupinda mumba macho. Musi uyu Sekuru Dhumba vakatouya vari musvo zuva rakacheka nyika vachiti vanozvigona,” vanodaro.

“Nyaya dzehuroyi idzi ndidzo dzaita kuti murume wangu afe uye ndinoshamisika kwazvo kuti mwana wangu akange abva kuDzivarasekwa 2 kwatinogara panhamba 1624 achiuya kuzonetsana nababa. Kudai akangovasiya vakadaro.”

Mai Mapuranga vanoti mudzimai wechidiki wemurume wavo aimbova muroja wavo.

“Mudzimai wechidiki wekuzotora murume wangu achiuya kuzogara naye kuno muMt Hampden uyu akange ari muroja wangu,” vanodaro.

Assistant Inspector Tarisai Dube, avo vanoshanda kuchikamu chemapurisa chinodyidzana neveruzhinji muHarare (Press and Public Relations), vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Zvinonzi nomusi wa8 Zvita, Mike Mapuranga akaenda kumba kwababa vake, VaFord Sabe, aine bhemba kuKenvalley kana kuti kumaMine uko vakave nekupokana maringe nenhau yemugodhi wezvicherwa. Zvinonzi mwana uyu aida kuti baba vake vamupe mugove wemugodhi wezvicherwa zvinova zvavakaponaka nazvo achibva asiya avatema nebhemba mumusoro nechekuruboshwe vakasara vaine ronda rakadzika vakarasikirwa neropa rakawanda. Vakazoendeswa kuParirenyatwa Group of Hospitals uko vakashaya munguva dzemanheru,” vanodaro.

Vanoti nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa ekuMt Hampden uye Mike ari kutsvagwa nemapurisa sezvo akatiza mushure mekupara mhosva iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>