Uncategorized

Akaponda baba ‘muroyi’…‘Ndakakubatai kumaporofita’

03 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Akaponda baba ‘muroyi’…‘Ndakakubatai kumaporofita’ VaMitsho Ncube

Kwayedza

Andile Tsuma ari kuBULAWAYO

Vagari vemumusha weEntumbane, kuBulawayo, havana neremuromo zvichitevera nyaya yemurume weko uyo anonzi akaponda baba vake achiita zvekuvatswanya-tswanya musoro nemazitombo achivapomhera huroyi uye kuti ndivo vanomupa hurombe.

Thabani Ncube (47) akatosungwa nemapurisa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda baba vake, VaMitsho Ncube (83), nemusi weChishanu chadarika.

Thabani anogara pamba pababa vake vaakaponda ava.

Vamwe vemunharaunda vakaona bongozozo iri vanoti Thabani ange ava nechipo chemakore mana achitora mari yerendi, yemvura neyemagetsi inobviswa nemaroja asi asingabhadhare mitero kukanzuru kana kumagetsi.

Vanhu vaive panhamo.

Baba vaThabani vange vachigara kumusha.

Thabani anonzi ange agara achipomera baba vake kuti vaimuroya achiti akaudzwa izvi nemaporofita.

Nemusi weChishanu waazoponda baba vake, mwanakomana uyu anonzi akaita semunhu agarwa nemweya ndokutanga kurwisa baba vake achivatswanya-tswanya mumusoro nemazitombo apo vaigusa ndebvu dzavo iye achisona shangu achivati vaimutarisira chii.

Mumwe muvakidzani uyo anoramba nezita rake, anoti Thabani akasimuka paainge akagara, ndokunhonga zidombo iro akashandisa kutemesa baba vake ndokubva vapunzikira mumugero unofamba nemvura.

Anonzi akanhonga rimwezve zidombo, ndokurova naro baba vake mumusoro vari pasi.

“Akatanga kutuka baba vake nezvinyadzi asi takamubata tichida kumudzivisa uye kumubvisa panzvimbo iyi. Asi akapukunyura nechisimba ndokudzokera zvakare kunonhonga rimwe zidombo guru achibva avapedzisa. Vakabva vafira ipapo.

“Zvinhu zvinosuwisa uye izvi zvakaitika vana vake Thabani vachionawo. Inini kubva paitika izvi, handisi kuwana hope,” anodaro.

Aona kuti baba vake vafa, Thabani ari kunzi akaudza vavakidzani kuti ainge onozvipira kumapurisa, ndokubva ageza ropa raive mumaoko ake achibva ananga kukamba.

Anonzi akazotorwa nemapurisa mushure mekunge adonha munzira chinhambwe chidiki kuti asvike pakamba asi panguva iyi ainge obvotomoka achiti ari kuona zvidhoma zvababa vake zvichida kumuuraya.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, havana kukwanisa kubatika kuti vapewo divi ravo panyaya ino.

Pakasvika vatori venhau, ropa rakange rakangozara panzvimbo inonzi yakaponderwa VaMitsho uye dzimwe hama dzainge dziri mubishi kurigeza.

Share This:

Sponsored Links