Uncategorized

Akaponda baba natete . . . ngwarirai mhondi ine demo: ZRP

14 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Akaponda baba natete    . . . ngwarirai mhondi ine demo: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kutsvaga nemaziso matsvuku murume wekuKadoma nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda vanhu vaviri achiita zvekuvatema nedemo uyewo nedzimwe mhosva dzinosanganisa kubata chibharo, kuparadza midziyo nekuba.

Evans Chikore (29) anogara kuVillage 1, papurazi reLuwana, anonzi nemusi wa9 Chikunguru aiva akapakata demo, ndokuenda kumba kwevabereki vake kunzvimbo yeMarimira South uko akasvikotaka nematombo baba vake vemakore 61 achibva azovatema nedemo kakawanda muviri wavo wose kusanganisa mumusoro nepabendekete pasina chikonzero chaakapa ndokuvasiya vafira panzvimbo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti Chikore akazovhundutsira amai vake nekuvaponda  achibva azopisa dzimba dzehuswa ina nechimusososo.

“Murume uyu aponda baba vake nekupisa dzimba nemusososo, akazoenda pamusha wakavakidzana newevabereki vake ndokuvavhundutsira achiti aida kuvauraya achivapomera kuti vakambenge vamumhan’arira kumapurisa akasungwa nenyaya yekurova mwanakomana  wepamusha apa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mapurisa vanoti muvakidzani uyu akazokwanisa kutiza ndokuzosara Chikore achitema nedemo mwanakoma wepamusha apa kamwe chete mumusoro uyo akakuvara achibva asiya apisa zvakare dzimba mbiri dzehuswa.

Murume uyu anonzi akazoenda kumba kwatete vake ndokusangana navo mumugwagwa achibva avatema nedemo kakawanda mumusoro vachibva vafa, ndokupisa imba yavo yekubikira nemotokari yerudzi rweFord Ranger.

“Chikore akazoenda pamusha uri padyo ndokubira mumwe mudzimai US$10 ndokumudhonzera mumunda wechibage umo akamubata chibharo kamwe chete achimuvhundutsira. Apedza kupara mhosva iyi, akazoenda zvakare kumba kwemudzimai uyu achibva anoba imwe US$40 negumbeze, ipapo akabva atungidza hozi yaiva nematani mashanu echibage, mabhagidhi makumi maviri emhunga, nemasaga gumi esimende,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

“Nekudaro tiri kutsvaga murume uyu nyaya iyi ichifeewa nekuda kwemhosva idzi uye vanenge vamuwana kana vane ruzivo vanokwanisa kuzivisa mapurisa ari padyo navo kana kuridza nhare dzinoti 02427003631 kana 0712 800 197,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanokurudzira veruzhinji kukoshesa upenyu hwevanhu, vodzidza kutaurirana kana paine zvinonetsa, uyewo kuti vanhu vakasike kuzivisa mapurisa kana paine vanhu vanoratidza kuti vari kuda kupara mhosva.

Share This:

Sponsored Links