Akaponda mudzimai wa’boss’

24 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Akaponda mudzimai wa’boss’ Insp Mwanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekwaSadza, kuMashonaland East, vari kutsvaga nemaziso matsvuku murume aiva mufudzi wemombe pane mumwe musha uri mubhuku raKuvarega, kwaMambo Neshangwe nemhosva yekuponda mudzimai waaishandira apo ainge akamusunga mbiradzakondo.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19, mhosva dzekupondana nekurwisana mudzimba dziri kuwanda.

“Nyaya dzemhirizhonga mudzimba dziri kuwanda mudunhu rino apo vamwe vari kuguma vakuvadzana kana kuurayana sezvakaitika kwaSadza, kuChivhu uko kune murume watiri kutsvaga nemhosva yekuponda mudzimai waaishandira,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti mapurisa vari kutsvaga nemaziso matsvuku Jacob Ruben Chapanduka anobva kwaNyashanu, kuBuhera, nemhosva yekuponda mudzimai waaishandira, Rosemary Ndava (60).

“Ruben Jacob Chapanduka aishandira muchakabvu uyu mabasa epamba, kusanganisira kufudza mombe nezvimwe,” vanodaro Insp Mwanza.

Zvinonzi husiku hwemusi wa15 Chikunguru, muchakabvu uyu nemuzukuru wake mukomana wemakore mashanu okuberekwa vakanorara pamusha pamwe chete pairara mukomana wemombe uyu.

Chapanduka anonzi akanorarawo mune imwe imba yepo.

Rechimangwana racho, zvinonzi muzukuru wemuchakabvu akamuka ndokuona kuti ambuya vake vainge vasimo mumba izvo zvakaita kuti avatsvage.

Mwana uyu akazoenda kumuvakidzani wavo anonzi Tambudzai Ebbah achinobvunza kuti vakanga vamboona ambuya vake here.

Ebbah anonzi akati aiva nefungidziro huru yekuti ambuya vake vainge vaenda kumunda.

Asi anonzi akazovhunduka nekusawanikwa kwemudzimai uyu apo akazotora mwana uyu ndokunorara naye kumba kwake.

“Nemusi wa17 Chikunguru, Ebbah akazozivisa murume wemuchakabvu, VaEzekiel Chakauya (65), avo vaiva kuGweru,” vanodaro Insp Mwanza.

Masikati emusi mumwe chete uyu, mutumbi waNdava wakazowanikwa uri muimba yairara Chapanduka.

“Makumbo ose nemaoko ainge akasungwa netambo.

“Musoro waiva wakamonerwa nejira jena. Vanhu vakazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaSadza avo vakanoiferefeta asi mushandi uyu akawanikwa asipo, atiza,” vanodaro Insp Mwanza.

Mutumbi wemuchakabvu unonzi wakawanikwa uine ronda guru pamhanza zvinofungidzirwa kuti akarohwa nesimbi yakatesva zvikakonzera kufa kwake.

“Kubva pakaparwa mhosva iyi, Ruben Jacob Chapanduka haana kuzomboonekwa uye ari kutsvagwa nemapurisa,” vanodaro Insp Mwanza.

“Kune vane zvavanoziva nekuda kwenyaya iyi, ngavazivise mapurisa ari pedyo navo kana kushandisa masuggestion boxes emapurisa.”

Vanoda kubatsira munyaya iyi vanokwanisawo kuridza nhare dzinoti 0772 492 561 kana 0718 814 156.

Share This:

Sponsored Links