Uncategorized

Akaponda musikana wekumuramba

30 Jun, 2021 - 10:06 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekudunhu raMambo Nyamukoho, kuMudzi, kuMashonaland East ari kutsvagwa nemapurisa eko nemaziso matsvuku nemhosva yaari kupomerwa yekuponda mukadzi waimbodanana naye mushure mekunge amuramba.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanoti Garikayi Munetsi (42) ari kutsvagwa nemapurisa nemhosva yekuponda Alice Kayingwe (22) uyo waaimbodanana naye asi ndokuzomuramba.
Vanoti Kayingwe aibva mubhuku raMutonhora uyewo Garikayi Munetsi anobva kwaSabhuku Madziyanhiyo.

Nemusi wa21 Chikumi gore rino nenguva dza9 husiku, Kayingwe anonzi akabva pachitoro cheKudenga panzvimbo yemabhizimisi yeSuswe, kuMudzi apo ainwa doro nechikomba chake, Tinashe Shoko (27), anobva mubhuku rekwaKatena munzvimbo iyi.
Zvinonzi vaviri ava pavakabva panzvimbo yemabhizimisi iyi, vaiteverwa naGrace Tsuro naElias Marenga uye vakazotanga kufambisa vari pamberi mushure mekunge vasvika pachinhambwe chekilometre kubva panzvimbo yemabhizimisi iyi.

“Alice Kayingwe naTinashe Shoko pavakanga vave kuyambuka rwizi rwaNyakasanga, Garikayi Munetsi akabva nekumashure kwavo nemurima achibva anhonga matombo ndokupotsera kunaTinashe Shoko. Akamhanya achienda kwaari akasimudza banga achiti aida kumuuraya asingadure kuti aida kumuuraire chii,” vanodaro Insp Chazovachii.

Shoko anonzi akatiza apo Garikai Munetsi aimutevera achimudzingirira uyewo Kayingwe anonzi akasara kumashure apo chikomba chake chaitandaniswa.

“Tinashe Shoko akakwanisa kutiza uyo Alice Kayingwe ndokuzodzokerwa naGarikayi Munetsi ava kumurwisa apo akatanga kuchema achida kubatsirwa. Munin’ina waGarikayi Munetsi anonzi Trust Munetsi (31) wemumusha waMadziyanhiyo aibvawo kunzvimbo yeSuswe anonzi akazonzwa kuchema kwemudzimai uyu ndokumhanya kuti anoona zvaiitika, akasvikowana Garikayi Munetsi achibaya Alice Kayingwe kakawanda nebanga,” vanodaro Insp Chazovachii.

Trust Munetsi anonzi akaedza kudzivisa Garikayi Munetsi kuti asabaye Kayingwe nebanga asi anonzi akamuvhundutsirwawo kuti aigona kumubaya zvakare.

“Trust Munetsi aona kuti aigona kukuvadzwa zvakare akabva atiza ndokunozivisa Tangai Kativhu (38) aiva hanzvadzi yaAlice Kayingwe nezvechiitiko ichi. Vakazotorana vose ndokudzokera kunzvimbo yaaive asiya ichirwiswa Kayingwe uko vakasvikowana mukadzi uyu akarara mugoronga asisakwanise kumuka achibuda ropa zvakanyanya,” vanodaro Insp Chazovachii.

Vanonzi vakazomutakura nebhara kumuendesa kumba kwavo uko akasvikofa pakati pehusiku.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuNyamapanda nemusi wa22 Chikumi vakabva vatanga kuiferefeta. Mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheMurehwa kunoongororwa nanachiremba. Garikayi Munetsi paakapara mhosva iyi akabva atiza uyo tiri kumutsvaga semapurisa,” vanodaro Insp Chazovachii.

Vanokurudzira veruzhinji kuremekedza upenyu hwevanhu uye kuti vosiyana nenyaya dzekupondana.
“Ngatiremekedzei upenyu hwevanhu tova nerudo mukurarama kwedu. Kunyangwe ukarambwa nemunhu wawanga uchidanana naye, unowana mumwe pamwe anokupa rudo rwakadarikidza kwete kuzosvika pakuuraya mumwe nekuti warambwa,” vanodaro Insp Chazovachii.
Vanokurudzira veruzhinji kuti vadzidze kugadzirisa matambudziko avo murunyararo pasina kurwisana.

“Tine vafundisi kana vatungamiri mumatunhu atinogara vakaita semasabhuku, madzishe kana mapurisa vanokwanisa kuyananisa vanhu. Tinokumbira kuruzhinji kuti vatibatsire kuwana murume uyu anonzi Garikayi Munetsi nenyaya yaari kupomerwa yekuponda. Kune vane zvavanoziva ngavafonere Chief Inspector Choto panhare dzinoti 0652132517 kana pa0735 302 899 kana kutaura naInsp Chazovachii panhamba dzinoti 0772 844 744,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey