Akapondera mukadzi kuSA

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Akapondera mukadzi kuSA Vanhu vaiva panhamo yeSusan Mukaro kuGoromonzi.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI yekuGoromonzi, kudunhu reMashonaland East, ine kusuwa kukuru zvichitevera kupondwa kunonzi kwakaitwa mwanasikana wayo nemurume wake vari kuSouth Africa.

VaJones Mukaro (39), avo vanova hanzvadzi yemufi, vanoti Susan Mukaro (30) akapondwa nemurume wake, Peter Muzondiwa.

Mudzimai uyu anonzi akaponderwa kudunhu reLimpopo, ikoko kuSouth Africa.

“Tiri kuno kumusha kwaSabhuku Gutsa, kuGoromonzi takaunganira kusvika kwemutumbi wehanzvadzi yangu iyo yakapondwa nemurume. Hatizive kuti vakakanganisirane chii, inyaya inorwadza zvikuru.

Jones Mukaro

“Vanhu ava vakaroorana makore matatu akadarika uye vane kamwana kane makore maviri. Ndaiedza kutaura nehanzvadzi yangu panhare tichitadza kumubata, ndakagumisira kutaura naye nemusi wa20 Kukadzi gore rino,” vanodaro VaMukaro.

Vanoti zvinovarwadza zvikuru kuti vakaridzira nhare mukuwasha wavo kasingapere achivaudza kuti hanzvadzi yavo yaiveko asi iye akatofa.

“Vanhu vaigara kumwe chete nehanzvadzi yangu ndivo vakazotaura kuti tisavarairwe asi kuti titsvage hama yedu nekuda kwekuti vaiva nefungidziro huru yekuti akapondwa sezvo vakanzwa kurwisana mumba mavo ndokuzongoshaya uko vakaita hanzvadzi yangu. Mutumbi wake wakazonhongwa watowora wakakandwa kunorasirwa marara,” vanodaro VaMukaro.

Vanoti vakazoziva svondo rakapera kuti mwanasikana wavo akapondwa apo mutumbi wake wakanhongwa kumarara.

“Izvozvi nhasi (Chipiri chino) tinotarisira kuti mutumbi wehanzvadzi yangu usvike kumusha kuGoromonzi kuti tizouradzika. Mukuwasha wedu Peter Muzondiwa anonzi akasungwa nemapurisa ekuSouth Africa achipomerwa mhosva yekuponda,” vanodaro VaMukaro.

Mutumbi wemushakabvu uyu unonzi wanga uri mumochari yekuThabazimbi, kuLimpopo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya dzakadai dzinoitwa nemapurisa ekwafira munhu uyewo nemahofisi anomirira Zimbabwe kunyika idzodzo.

“Nyaya dzakadai dzinenge dzaitikira kune dzimwe nyika kana dziine humhondi mukati saizvozvi dzinoitwa nemapurisa ekunyika idzodzo nema‘embassy’ eko. Asi regai ndigotsvaga kuti nyaya iyi yakamira sei,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey