Uncategorized

Akaponderwa macondom

31 Dec, 2020 - 15:12 0 Views
Akaponderwa macondom Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuGweru, kudunhu reMidlands, akasunga murume ane makore 34 ekuberekwa uyo ari kupomerwa kuponda mudzimai wake achimuti ari kuita zvezvikomba mushure mekunge amuwanikidza aine makondomu akashandiswa muimba yavo yekurara.

Frank Fadzi anonzi manheru emusi wa24 Zvita akasvika kumba kwake kuWoodlands Park, muGweru, ndokusvikoona makondomu anonzi ainge akashandiswa izvo zvakaita kuti ade kuziva zvizere nekuda kwenyaya iyi kumudzimai wake.

Anonzi akabvunza mudzimai wake uye ndokutanga kumuitira hasha nekuda kwenyaya iyi zvikapa kuti atange kumurova nechitsvimbo (button) muviri wose.

Vavakidzani vanonzi vachinzwa ruzha rwekurohwa kwemudzimai uyu, vakaedza kunomununura asi vakatadza kupinda mumba sezvo Fadzi akanga akakiya magonhi emba yake nemukati.

Vavakidzani ava vanonzi vakazomuka rechimangwana racho musi wezororo reKirisimasi apo vakaenda ndokunogogodza pagonhi repamba pemurume uyu, apo iye akabuda pachena kuti mudzimai wake ainge afa. Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa apo vakazouya vachida kumusunga iye achibva ambotiza asi akazobatwa zuva rimwe chete iri.

Fadzi ari mumaoko emapurisa achibatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi uye achimirira kuzoenda kumatare edzimhosva.

Mutumbi wemuchakabvu uyu unonzi wakaendeswa kuchipatara cheGweru uko waimirira kuongororwa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanoda kunyatsonzwa zvizere pamusoro penyaya iyi.

“Hatiremekedzei upenyu hwevanhu, patinoona kuti tave kuita kusawirirana totsvaga vayananisi vari pedyo nesu vangava masabhuku, madzishe, mafundisi kana nekumapurisa. Isu tine hofisi inodyidzana neruzhinji inoyananisa vanhu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links