Akaponderwa mari yaive mufoni

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Akaponderwa mari yaive mufoni

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuMasvingo, vari kutsvaga murume aisevenza semufudzi wemombe pamumwe musha weko nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda baba vaaishandira, ndokuzosiya aviga mutumbi wavo musango. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuduMasvingo, Assistant Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti mapurisa ari kutsvaga Tinashe Chikumbo (31) nekuda kwemhosva yekuponda VaJohannes Mudoro (75).

“Tine nyaya inosuwisa zvikuru yakaitika kwaMambo Gadzingore, kwaGutu, apo murume aiva mufudzi wemombe watakaziva saTinashe Chikumbo anonzi akaponda baba vaaishandira nekuvatema nedemo, ndokuzosiya avhara mutumbi wavo nemasanzu senzira yekuti mutumbi usaonekwe. Izvi anonzi akazviita vaenda kuhuni.

“Murume uyu anonzi akapara mhosva iyi achida kutora mari yaiva munharembozha yemufi uyu sezvo anofungirwa kuti aiziva pini nhamba yefoni yake,” vanodaro.

Zvinonzi Chikumbo akamuka mangwanani ndokuvhura mombe achibva aenda nadzo chinhambwe chemakiromita matatu kubva pamusha waaishandira.

“Asati aenda kumombe, anonzi akasiya ataurira VaMudoro nemudzimai wavo, Irene Mudoro (67), kuti aizonotema huni idzo anoti vaizodzitakura zuva rodoka remusi uyu,” vanodaro Asst Inspector Dhewa.

Vanoti Chikumbo akatakura matemo maviri apo ainofudza mombe ayo aiti aida kunotemesa huni.
Nenguva dza5 zuva rodoka, Chikumbo anonzi akadzoka akasvikovharira mombe ndokuzotaurira VaMudoro kuti vamuperekedze nengoro kunotakura huni kusango.

“Vaviri ava vakaenda vose apo murume uyu akazodzoka oga nguva dzekuma 6 aine huni shoma. Mudzimai waVaMudoro akazobvunza kuti aiva asiya kupi sekuru iye ndokupa mhinduro dzakasiyana achiti aiva avasiya kudoro zvisinei nekuti vaisanwa doro. Akazotizve aiva avasiya nevamwe vanhu vemumusha, zvikapa Mbuya Mudoro kufungira ndokubva vazivisa vamwe vemumusha,” vanodaro Asst Insp Dhewa.

Mbuya ava neveruzhinji vanonzi vakazoenda kunotsvaga kusango vakashaya munhu dakara husiku.
VaSolomon Macheche (58) avo vaiva muchikwata chevanhu vaitsvaga murume uyu, vanonzi vakazodzokera voga ndokuzonowana mutumbi waVaMudoro uri musango uye uine maronda mana akadzika mumusoro.

“VaMacheche vakawana chitunha chaVaMudoro chiri musango chakavharwa nemashizha uye chiine maronda makuru mumusoro, padivi paine demo,” vanodaro.

Aona kuti vanhu vainge vava nefungidziro yekuti ndiye nyakuponda, Chikumbo anonzi akabva atiza ndokuenda kusina anoziva.
Mutumbi wemuchakabvu wakazoendeswa kuchipatara cheGutu kunoongororwa.

VaMudoro vanonzi vaiva nemari munharembozha yavo yerudzi rweNokia izvo zvakazivikanwa nemufudzi wemombe uyu sezvo vanonzi vakanga vatengesa mombe dzavo uyewo mari yavo yepenjeni semunhu aanga ava pamudyandigere.

Nharembozha yemufi inonzi yakashaika zvakare iyo inonzi yakagumisira kudavirwa nemufudzi wemombe uyu apo Mbuya Mudoro vaiifona.

Kune vanoda kubatsira munyaya iyi vanoridza nhare panhamba dzinoti (039) 263733 kana dzehofisi yevatauriri vemapurisa vekuMasvingo dzinoti (039) 264421 kana 0772 911 144 kana kuzivisa mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey