Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuKwekwe ari kutsvaga vanhu vashanu avo vari kupomerwa kuponda mumwe murume panzvimbo yemabhizimisi yeHozi kuSilobela mushure mekunge aramba kuvatengera doro.
Vanhu ava vaive vatanhatu pavanonzi vakaponda Makhosezwe Fuzane munaKubvumbi gore rino uye mumwe wavo, Ryan Nangombe, akatosungwa.
Vari kutsvagwa ndiRegis Mathema, Nqobizita Mathema, Evidence Mpofu, Pumulani ‘aka’ Marabha nemumwe akangozivikanwa nekunzi Leonard.
Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti vashanu ava vasvitsa mwedzi misere vachitsvagwa nemapurisa nekuda kwemhosva yekuponda yavari kupomerwa.
“Vanhu ava vari kutsvagwa nekuda kwenyaya yekuponda yakaitika nemusi wa12 Kubvumbi nenguva dza1600 hours. Makhosezwe Fuzane ainwa doro panzvimbo yemabhizimisi yeHozi apo akavingwa nevanhu vatanhatu ava vachibva vamutaurira kuti vaida kutengerwa doro naye izvo Fuzane akaramba vachibva vatanga kuda kumurwisa,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti vanhu ava vakarandutsirwa nevamwe vainwa doro mubhawa iri.
Vanoti nemusi mumwechete uyu nenguva dza7 manheru, vatanhatu ava vakavinga Fuzane zvakare vaine shamu nematanda, mabhemba, mapanga emhando dzakasiyana nedemo nechinangwa chekumurwisa.
“Fuzane nekutyira upenyu hwake, akabva atanga kutiza asi vakamudzingirira vachibva vanomubata ndokutanga kumurova pamadiro nemaoko nekushandisa zvombo zvose zvavaiva nazvo, ndokuzofa mumashure,” vanodaro Insp Mahoko.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuSilobela apo Nangombe akasungwa asi vamwe vake ndokutiza.
“Zvakadai, munhu akabatwa chete ndiRyan Nangombe, vamwe vose vashanu vachiri kutsvagwa nekuda kwenyaya iyi. Tinokumbira kuruzhinji vanoziva kune vari kutsvagwa ava kuti vabatsire nekuendesa mashoko pamapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.
Kune vane mashoko avanoda kusvitsa kumapurisa, vanovaridzira nhare panhamba dzinoti 0542221073 kana pa0778 069 322.