Akapondwa nevarume 7

20 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Akapondwa nevarume 7 Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 23 okuberekwa wekuAscot Infill, kuGweru anonzi akapondwa nechikonzero chisina kuzivikanwa nevarume vanonwe avo vakaita wekutora mubhawa maainwa doro.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti nemusi wa9 Gunyana nenguva dza3:24 masikati, Tonderai Zambezi  wekuAscot Infill ainwa doro mubhawa reManinja pamwe chete naBuhlebezwe Mlothswa (23) apo vakavingwa nevamwe varume vaviri vavasina kuziva vachiti vaida kutaura naZambezi.

Varume ava vanonzi vakabuda kunze kwebhawa iri vaina Zambezi apo pakazouyawo vamwe varume vashanu ndokutanga kutaurawo naye.

“Varume vanomwe ava vose vakaburitsa mabhemba nezvimwe zvombo zvakatesva ndokutanga kubaya Tonderai Zambezi muviri wese apo Buhlebezwe Mlothswa akazoedza kudzivirira achibvawo abaiwa kumusana kakawanda. Varume ava vakabva vatiza vachisiya vaviri ava vakuvara zvikuru,” vanodaro Insp Mahoko.

Zambezi naMlothswa vakazoendeswa kuchipatara cheGweru Provincial Hospital.

“Tonderai Zambezi akasvika achifa uyuwo Buhlebezwe Mlotshwa ari muchipatara umo ari kurapwa maronda aya uye utano hwake huri pakaipa.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa avo vari kutsvaga varume vanomwe ava nekuda kwemhosva yekuponda nekuedza kuponda,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey