Akarovera mukadzi mapiritsi

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Akarovera mukadzi mapiritsi

Kwayedza

Nomvelo Siziba

MURUME wekuVictoria Falls akamiswa mudare reko nemhosva yekuzvambaradza kurova mudzimai wake mushure mekunge aona mapiritsi aive pasi pepiro muimba yavo yekurara.

Maxwell Nyoni (51) wepa1249 Aerodrome akarova mukadzi wake Senzeni Nyathi (49) mushure mekudhumana nemapiritsi emaCotrimoxazole ayo ainge ari pasi pepiro.

Cotrimoxazole imhando yemapiritsi anorapa marwadzo akaita semabayo uye kuvandudza utano kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV.

Mukupara mhosva iyi, murume uyu aitotyora mutongo wegwaro redziviriro pakati pake nemukadzi wake uyo waakambopihwa nedare rimwe chete iri.

Vaviri ava vakatanga kukakavadzana apo Nyoni aida kuziva kuti mapiritsi aya akanga abva kupi uye kuti ndiyani anoashandisa.

Vakazopedzisira vave kurwa apo Nyoni akarova Nyathi zvakaipisisa achimubhutsura muviri wose ndokupotsa amudzipa.

Nyoni – uyo ane gwaro redziviriro iro rakanga rakumbirwa naNyathi kudare reVictoria Falls Magistrate’s Courts mwedzi wapfuura kuti asarove mudzimai wake kana kupunza midziyo – akabva asungwa nekuda kwenyaya iyi.

Anoramba mhosva yemhirizhonga iyi pamwe chete nekutyora mutemo wegwaro redziviriro raakapihwa apo anomira pamberi pamutongi Rangarirai Gakanje. Nyoni anoudza dare kuti akarova mudzimai wake mushure mekunge atadza kumupa mhinduro inomugutsa panyaya yemapiritsi.

Anoti mudzimai wake anomumbunyikidza achitora mukana wegwaro redziviriro raainaro.

Mutongi akamupa Nyoni chirango chekugara mujeri mwedzi minomwe pamhosva mbiri idzi.

Mutongo uyu wakazosendekwa padivi paine chitsidzo chekuti Nyoni anofanira kunofondoka pasina mubhadharo kwemaawa 245 paVehicle Inspection Department yekwakare kuVictoria Falls.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>