Kwayedza

Akarumwa nenguruve yepamusha l ‘Tinongoti iyi itsaona bedzi’

Mai Fatima Kaguti vachitaridza vanga riri pachidya chavo apo vakarumwa nenguruve. — Mufananidzo: John Manzongo

MUKADZI wechikuru wemubhuku raChaitezvi, kwaShe Seke, pamwe chete nehanzvadzi yake vakasangana nemanenji nguva yadarika apo vakarwiswa nenguruve yemumusha ndokusara vakuvara zvekunoponera kuchipatara.

Mashura aya anonzi akaitika munguva dzemambakwedza apo Mai Fatima Kandambi-Kaguti (56) naEmmanuel Kandambi (36) vakarwiswa ndokusara vava nemaronda ekurumwa nenguruve iyi.

Mai Kandambi-Kaguti vanoti zvakavashamisa zvikuru kurumwa nenguruve yemuzukuru wavo.

“Taiva tirere mangwanani kuma4 apo takanzwa nguruve dzaibva nekumashopu ekwaZiko dzichiita sedzaitinhwa. Izvo nguruve idzi dzaiva dzapaza danga kumba kwadzo apo dzakaenda kumashopu.

“Dzaitinhwa nevamwewo vakomana apo imwe yacho yakapfuura asi mukono wacho ndokupinda muchivanze chedu sezvo tiine nguruvewo,” vanotsanangudza.

Mai Kandambi-Kaguti vanoti vanzwa ruzha rwenguruve iyi, vakamuka ndokubuda panze vachida kuitinha kuti ibude muchivanze vachityira kuti yaizoguma yadya zvirimwa zvavo.

“Ndabuda kudaro, nguruve iyi yakatanga kutenderera nemba apo yakazomira ikandisvetukira ndokundiruma pachidya ndichibva ndapunzika.”

Vanoti vakazoshevedzera rubatsiro hanzvadzi yavo Emmanuel, aive arere mune imwe imba, ndokuzama kuitevera kuchimbuzi chepamba apa. Sezvineiwo, nguruve iyi yakabva yamurumawo.

“Takazoendeswa kuchipatara cheKunaka chekuDema kunorapwa maronda uko takanopfuudzwa kuChitungwiza (Central Hospital). Takatora nguva tichirapwa maronda aya kusvikira asvava kudai,” vanodaro.

Vanoti nguruve yemuzukuru wavo Kudzanayi Maroiwa yekuvaruma iyi yakazouraiwa nekuti yaigara ichipoya ichidzingirira vanhu.

“Kudzanayi Maroiwa muzukuru wedu uye akatibatsira zvikuru nemari yekutirapisa ndokuuraya nguruve yakatiruma,” vanodaro.

Murume wavo, VaPaps Chaitezvi Paguti (66), avo vanova sabhuku wemusha uyu, vanoti vakazomuka vakawana mudzimai wavo atokakachurwa kurumwa nenguruve.

“Vakomana vakaona nguruve idzi kumagirosa vakazodzitinha vanofanirwa kunge vaidzirova dzikaguma dzaita hasha nekuti nguruve iyi yaigara ichiuya pano ichivinga hadzi. Tsaona iyi yakazongoitikawo,” vanodaro.

Mwana wavo, Loraine Paguti (29), anoti akazoshevedzwa apo amai nasekuru vake vakange vatokuvadzwa.

“Semunhu ndinogara muno, ndakaridzirwa nhare ndikawana vakuvara zvikuru. Takazoronga zvekuti vaendeswe kuchipatara uko vakanoponera asi ndekekutanga kunzwa kuti nguruve yepamusha inoruma vanhu,” anodaro.

Mun’ina wake, Tsungirirayi Mellisa Paguti (18), anotiwo akangonzwa amai vake vochema akatombofunga kuti vairwiswa nematsotsi.

“Munhu wose paakanzwa amai kuchema ndokuzonzwawo sekuru vave kuzhamba takati panze paita matsotsi.”

Zvakadaro, VaPaguti nemudzimai wavo vanoti hapana chavanofungira chakaipa pane zvakaitika izvi.

“Nguruve imhuka yesango, hazvina mhosva tinogara nadzo mumisha, mombe kana imbwa chaiyo ikazoruma munhu wani. Itsaona chete iyi,” vanodaro VaPaguti.

Vamwe vanoti nguruve iyi inogona kunge yaive nechimbwamupengo.

Asi vamwe vari kuziva nezvechiitiko ichi vanoti izvi zvine zvazvinoreva sezvo nguruve dzepamusha dzisingazivikanwe nekuruma vanhu, asi dzemusango.

Pakaenda vatori venhau uku, havana kuona Emmanuel uyo ainzi ainge afamba.