Uncategorized

Akashinha nechitunha

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Akashinha nechitunha Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara kuMuguta Extension, kuEpworth — uyo anozvidaidza kuti “Bigman” — anonzi akaita chipini apo akashinha nechitunha chemusikana wechidiki mumba machaiva chakaradzikwa vanhu vaive parufu vachiona.

Bigman — uyo asati azivikanwa zita rake rizere — anonzi akarara nechitunha chaMellissa Mazhindu Golowa (20) uyo aigara nevabereki vake panhamba KB78 kuEpworth nemusi wa1 Ndira.
Nyaya iyi yatove kumapurisa.

Mellissa anonzi akashaika mushure mekurwara nerurindi.

Mai Phillipa Mazhindu (47) — avo vanova amai vaMellissa — vanoti mwanasikana wavo akafira panzvimbo yeChihota Bus Stop kwakare kuEpworth apo vakazotakura mutumbi wake vodzokera nawo kumba.

“Mwana wangu aiva wechipiri pavana vangu vasikana vashanu akafira pamusika wepaChihota apo ndaimuperekedza kuguta reHarare uko aienda kumba kwemukoma wake.

“Tave kuchema pano pamba, mvura yakatanga kunaya vamwe vanhu ndokutizira kudzimba dzavo ndokusara mumba maiva nechitunha tichingova vatatu — ini naMai Chipusira nagogo vangu,” vanodaro Mai Mazhindu.

Vanoti kwakazouya varume vaviri vaiva nedoro ndokugara pamacheya vachiputa fodya apo vanoti mumwe wavo akarovera gonhi rikadonha chekubata vachida kuita zvemheremhere.

“Varume ava, kusanganisira Bigman, vainyadzisira zvikuru vachiti vaida kushinha nesu nemutumbi wemwana wangu. Bigman anoti agara achichiva mwana wangu kubva kare achiri mupenyu, nekudaro aida kurara nechitunha chake,” vanodaro Mai Mazhindu.

Vanoti Bigman nemumwe wake vakazotora ivhu raive makanga makaiswa kenduru vachibva vadya vachiti vaida kurara nemadzimai matatu aiva mumba umu, zvose nechitunha.

“Ipapo Bigman akazotaura kuti akanga ava kunzwa kuda mukadzi zvakadarikidza apo akazosimuka ndokuvhenheka paiva nechitunha ichi, ndokusvetukira pamusoro pacho achibva atanga kuita bonde nacho,” vanodaro Mai Mazhindu.

Siza Mandizvidza

Vanoti vakazoridza mhere apo Bigman aitoramba achiita bonde nemutumbi uyu pamadiro ndokutora chinguvana achidaro.

“Bigman apedza kuita izvi, akazotanga kukarara semudzimu achigwesha nemagaro achiti aiva svikiro mudzimu mukuru.

“Akati zvake zvainge zvaita, zvadzora nekurara uko akaita nechitunha,” vanodaro Mai Mazhindu.
Murume uyu anonzi akazorohwa nevechidiki vainge vaungana apo ainge asina kupfeka bhurugwa. Ndipo pavakaona chitsvimbo chaiva chakamonerwa nemishonga nejira dzvuku uye mubhurugwa umu maiva negonzo benyu.

“Katsvimbo aka kakanzi nevamwe mubobobo kakazotorwa nevanhu kaiva nemishonga nejira jena negonzo richibva rauraiwa zvikapiswa, haana kukwanisa kutaura kuti zvaiva zvei,” vanodaro Mai Mazhindu.

Vanoti vakashamiswa zvikuru nezvakaitwa nevarume ava zvavanoti havasati vamboona.
Masaramusi aya anonzi akaitika apo baba vepamusha uyu, VaCain Katiyo (44), vakange vasipo.
Mutumbi wemwanasikana uyu wakazoendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital kunoongororwa mushure mekunge washinhwa nawo naBigman.

Mutumbi waMellissa wakazoradzikwa kumakuva ekwaZinyengere, kwakare kuEpworth.
“Nhamo yemwana wangu yakazokanganiswa nevasikana vechipfambi muno vakazotanga kufuridza makondomu vachiti mwana wangu aiva pfambi izvo zvandinofunga kuti zvine chekuita nevarume vakauya mumwe wavo akarara nechitunha chake. Mamwe makondomu vakazoakanda muguva,” vanodaro Mai Mazhindu.

Mai Siza Mandizvidza (40) vanova muvakidzani waMai Mazhindu vanoti havana kumbobvira vakaona mashura akadai.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi pavakabvunzwa nezvenyaya iyi vanoti vanoda nguva yekuronda kuti iri kufambiswa sei.

Asi Mbuya Alice Kwenda Masoko (62) vemuHarare — avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu — vanoti munhu anoshinha nechitunha anenge akaromba.

“Mhuri iyi ngaifambe nekuda kwenyaya iyi kuti vatsvage zvakaitika chaizvo,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Share This:

Sponsored Links