‘Akatsamwa anondibvisisa hembe

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Akatsamwa anondibvisisa hembe

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MURUME wemuHarare anoti mudzimai wake ane katsika kekuti kana vanetsana anomuudza kuti amudzosere zvinhu zvose zvaakamutengera zvekuti rimwe zuva akatomudzosera chipfeko chake chemukati nemasokisi.

Colin Dhiningwa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekumhan’arirwa naMonica Musendekwa achiti anomushungurudza.

Musendekwa anoti Dhiningwa anomurova uye haadi kubhadhara mari yevana yekuchikoro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Musendekwa gwaro rinomudzivirira asi akakurudzira vaviri ava kuti vave nerudo pakati pavo vachitaurirana mune zvakanaka kana paine zvinenge zvanetsa.

“Uyu murume wangu, asi anondishungurudza. Anondirova achindidzinga pamba handizive kuti sei achidaro? Anondirambidza kuita mabasa emaoko kuti ndibetserewo mhuri yedu.

“Anondirambidza asi iye haadi kubhadhara mari yevana yekuchikoro,” anodaro Musendekwa

Anoti murume wake ari kumuti akazvitakura iye asina uye anomutuka achiti ipfambi.

“Murume iyeyu anotaura mashoko anobata-bata. Izvozvi ndiri kunzi ndine mimba asi ini ndisina. Pane mwana wedu akafa waanogara achitaura kuti akavigiswa mwana asiri wake. Anonditi ndakaita chipfambi, mwana watiinaye haasi wake asi ose aya manyepo.

“Anodzoka kumba akadhakwa apo ndinobva ndadhiniwa, ndipo pandinozovati unzai zvandakakutengerai,” anodaro.

Dhiningwa anoti mukadzi wake anomuti adzore zvinhu zvaakamutengera pose paanogumbuka.

“Mudzimai uyu ndiye anotondishungurudza. Tane makore 13 tiri tose, takamborambana asi tikadzokerana.

‘‘Dambudziko riripo nderekuti ini handiende kubasa saka akangoita mari totonetsana. Ndikabuda ndichinotsvagawo mari iye anobva abudawo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Dzimwe dzenguva tinoita mazuva 4 tiine mandiro ane tsvina mumba. Ndakamutsiura ndipo paanobva atanga kupopota.

“Akambondiruma munwe. Anopopota zvekusvika pakunditi bvisa pant nemasokisi zvandakakutengera. Rimwe zuva ndakatopinda mumba ndikanozvibvisa saka ndotoona kuti kuita mari kwake kune dambudziko.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>