Uncategorized

Akatsemura mwana musoro adya dovi

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Akatsemura mwana  musoro adya dovi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI anogara kuChitungwiza anonzi  akarova vana vaviri vemurume wake nemugoti ndokuvasiya vakuvara zvakaipisisa achivapomera mhosva yekuba dovi mumba ndokurikambura.

Amai ava vakamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts achitongwa nemhosva yekumbunyikidza vana (Section 7(1) of the Children’s Act Chapter 5:06 Ill treatment of Children and Young Persons).

Algeni Denga (28) uyo anogara panhamba 3405 Unit D, anonzi akarova vana ava nemugoti wekubikisa sadza mushure mekunge avawanikidza vachikambura dovi raive mugaba.

Vana ava — wemakore 12 neane makore 14 ekuberekwa — anogara navo.

Muchuchisi Norman Koropi anoudza dare kuti mangwanani emusi wa29 Chikumi gore rino, Denga akabva pamba achienda kumba kwasisi vake.

Paakazodzoka anonzi akawana vana ava vadya dovi achibva avadashura kuvarova nemugoti kakawanda miviri yavo vose.

Mumwe wevana ava akatsemuka musoro kuchiti mumwe wacho akakuvara maoko.

Mumwe muvakidzani ndiye akazozivisa mapurisa nezvenyaya iyi, amai ava ndokuzosungwa.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri.

Share This:

Sponsored Links