Akatsika mwana nemota

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Akatsika mwana nemota Inspector Chananda

Kwayedza

Liberty Dube 

MUDZIMAI wekwaMutare akatsika mwana wake ange ave nemakore maviri ekuberekwa nemotokari netsaona apo aiifambisa achidzokera kumashure pamba pake nemusi weChishanu chadarika izvo zvakazoita kuti afe zuva rakatevera.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Luxson Chananda, vanotsinhira nyaya iyi.

“Reign Chinotsa akafa mushure mekunge atsikwa nemota yerudzi rweIsuzu KB250 iyo yaityairwa naamai vake, Regina Sengwe.

“Musikana webasa, Charity Mtisi, akasiya mwana uyu amugadzika pasi apo aienda kunovhurira amai vake gedhi. Ndipo Reign akadhumwa nebhamba remota izvo zvakaita kuti akuvare mumusoro nepachipfuva.

“Akamhanyiswa kuchipatara cheMurambi Garden Clinic uko kwaakazoshaya zuva rakatevera,” vanodaro Insp Chananda. 

Vanoti Sengwe haana kunge amhan’ara nyaya iyi kumapurisa pakaitika tsaona iyi asi akazoita izvi mushure mekunge mwana wake atofa.

“Tinoyambira vatyairi kuti vatyaire vakangwarira uye vatevedze mitemo yemumigwagwa kana vachityaira mota zvakafanana nekutarisa pamagirazi edzimota dzavo kuti hapana chiri kumashure here. Njodzi iyi ingadai isina kuitika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links