Uncategorized

Akatsingwa aba mabanana 4

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Akatsingwa aba mabanana 4 Kudzanai Mundure

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKOMANA wechidiki wekwaChirumhanzu anoti ava mhetamakumbo mushure mekunge anokorwa tsoka yake apo iye nevamwe vake vakanoba mabanana mune rimwe bindu.

Kudzanai Mundure (23) wemubhuku raMhondiwa, kwaMambo Bangure, ari kukumbira kana pane vangamununure kubva mudambudziko raanoti rakonzerwa nevanhu vekuziva iri.

Anoti mumwedzi waNyamavhuvhu mugore ra2013, apo iye nevamwe vake vatatu vaikanya zvidhinha husiku kuine mwedzi muchena, akatungamirirwa nevamwe vaaiva vavo ndokunopinda mubindu remumwe murume umo vakaba mabanana.

“Varume vandaikanya navo zvidhinha ava ihama dzemuridzi webindu iri uye ndivo vakati hendei mugadheni mababa vedu tinotora mabanana tizodya tichiita basa. Vamwe vangu vaiva vakapfeka bhutsu asi ini ndisina zvikazoita kuti ndinokorwe tsoka yangu ichibva yanogadzirwa nemishonga. Ndipo pandakatanga kurwadziwa nemakumbo,” anodaro.

Anoti pavakaenda kunotora mabanana aya, akangofunga kuti vaitora mubindu rababa vevamwe vake, kwete kuba.

Kudzanai anoti mwana wekumba kwavaiva vaba mabanana akazoenda kumba kwevabereki vake achinotaura kuti ainge anokorwa tsoka yake ivhu racho raida kunogadzirwa.

“Ini ndakadya mabanana 4 chete, mazhinji akatorwa nevamwe vangu vanova vemumba mumwe chete. Mwana wekumba kwemabanana atakaba akazoenda kwasabhuku ndokunotaura kuti ndaiva ndanokorwa tsoka. Izvi zvakazoita kuti sabhuku vandishevedze ndikabvuma kuti takatora mabanana zvitsumbu 3, ini ndikadya mabanana 4 chete,” anodaro.

Kudzanai anoti mashoko akasvika kuvabereki vake aiti ivhu iri rakanokorwa rikaiswa mubepa ndokuchengetwa kumiti yemabanana ikoko richimirira kuzogadzirwa nemishonga.

Zvinonzi ivhu iri rakazoendeswa kun’anga kwaChihota asi mamwe mashoko anoti kuBuhera zvikaita kuti mukomana uyu atange kurwadziwa nemakumbo kusvikira asisagone kufamba.

“Nyaya iyi yabuda kudai, sabhuku vakashevedza murume watakabira uyu anova sekuru vangu pakugarisana.

‘‘Ndakakumbira ruregerero ivo vakabvuma kuti vakanamata vakabata ivhu iri mumawoko iro vakanga vanokora tsoka zvavanoti ndizvo zvakanga zvakonzera kurwara kwangu. Vakanditi vachaita kuti ndiite zvakanaka,” anodaro Kudzanai.

Mudzimai wemuridzi webindu iri anonzi akabvuma kuti ndiye akanokora tsoka iyi achiti akachengeta ivhu racho asati ariendesa kunorigadzirisa.

“Mune rimwe rematare akaitwa mumusha nasabhuku nevanhu nekuda kwenyaya iyi, mudzimai uyu anonzi akataura kuti munhu ukanamata uchikumbira mvura ikazowanza kunaya ungakwanisa kuimisa here?” anodaro Kudzanai.

Mudzimai uyu anonzi zvakare akazobvuma kuti ndiye akatakura ivhu retsoka iyi akaenda naro kumusha kwake kwaiva namaiguru vake vanonzi ishasha pakukanga tsoka dzevanhu zvichizokonzera matambudziko kune vanenge vanokorwa tsoka.

Mugore ra2014, mukomana uyu anoti dambudziko iri rakaramba richikura apo gumbo rekuruboshwe rakatanga kurwadza zvikuru akabva atadza kufamba.

“Muridzi wemabanana akazoenda kumapurisa ekuChizhou Base achinotaura nyaya yekubirwa mabanana ake uko takazoshevedzwa tose tiri 4, tikabvisiwa $40 pamunhu kureva kuti mari yatakabvisa yakasvika $160. Panguva iyi ndakanga ndisisafambe ndakatotakurwa nengoro kunosvika kumapurisa uku,” anodaro Kudzanai.

Vabereki vemukomana uyu vanonzi vakambokumbira kumuridzi wemabanana aya sezvo vakanga vabhadhara kuti aite zvakanaka, izvo zvinonzi murume uyu akavimbisa kuti aizoedza kuuita.

“Hapana chakachinja kunyangwe murume uyu akavimbisa kuti ndaizoita zvakanaka. Ndakatosiya chikoro nenyaya yekuremara iyi apo ndakagumira Fomu 3. Vabereki vangu vakatengesa mombe 3 vachipa mumwe muporofita wekuMasvingo aiti anokwanisa kuzondirapa, ndikamboendawo kuSouth Africa uko kusina chakanofamba,” anodaro.

Sabhuku Tamai vemubhuku munogara murume akabirwa mabanana, vanonzi vakambobatana naSabhuku Mhondiwa kuti vabatsire panyaya iyi asi zvakashaya basa.

“Ndakapinzwa mukuba ndisingazive, chikumbiro changu kunyika ndinoda kudzokera kuchikoro kuChizhou Secondary,” anodaro.

Mukomana uyu anoti aenda kumachiremba akawanda nekuchipatara asi hapana chirwere chiri kuonekwa.

Kune vanoda kubatsira Kudzanai ridzai nhare dzinoti 0782 560 231 kana 0773 514 399.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Joel Goko vanoti vanoda nguva yekuongororakuti nyaya iyi yakagadziriswa sei.

Sabhuku Mhondiwa VaJohn Tichaona Mundure (43) vanotsinhira nyaya yekunokorwa tsoka kwaKudzanai.

“Takagara matare akawanda nekuda kwenyaya iyi murume uyu akabvuma zvose navadzimai vake kuti vakanokora ivhu retsoka yake vakanorishinhira. Mhuri yemukomana uyu yakaripa paine vimbiso yekuti vaizoroyonora mukomana uyu asi hapana chakafamba,” vanodaro.

Zvichakadai, nyanzvi yechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga vanoti dambudziko raKudzanai rave kutoda nyanzvi dzechivanhu.

“N’anga yakanogadzira ivhu rakanokorwa tsoka dzemwana uyu haichakwanisa kuzvidzosera kana kuti kumuroyonora.

‘‘Kana kuti n’anga iyi yakafa. Zvinoda kuti machiremba enyika akanzwa nyaya iyi abatsire,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links