Akauraiwa nembwa yashefu

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Akauraiwa nembwa yashefu Mhando yembwa yakaruma Charles David akafa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME anga achisevenza sa‘‘garden boy” pamba iri kuMt Pleasant, muHarare, anonzi akafa svondo rino mushure mekunge arumwa nembwa dzemunhu waaishandira.

Asst Insp Dzvova

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nezvekurumwa kwaCharles David (51) nembwa achibva azofa vachiti zvakaitika masikati emusi weChishanu svondo rapera.

“Murume uyu aishanda sagarden boy panhamba 54 Golden Stairs pedyo neChinese Embassy. Nemusi weChishanu wadarika, akavhurira imbwa idzi kubva madzinogara kuti adzipe chikafu. Akanga ari oga apo muridzi wembwa, Jonathan Chard (26), akanga aenda kubasa.

Jonathan Chard ari pamba pake apo pakarumirwa Charles David nembwa akafa.

“Imbwa idzi dzinosanganisira hombe yemhando yePitbull netwumbwanana tuviri. Panguva yekudya, imbwa idzi dzakatanga kurwisana, iye paakaedza kudzirandutsira akabva arumwa nehombe yacho kakawanda mumafudzi, mumakumbo, kumusana nemumawoko,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanoti vavakidzani vakazonzwa kudaidzira kwemurume uyu vachibva vafonera shamwari yake inova yakasvikopinda mukati mechivanze ndokukwanisa kudzinga imbwa iyi.

“Vakazofonera amburenzi ikamuendesa kuWest End Hospital, mushure ndokuzodarikidzwa kuParirenyatwa Groups of Hospitals uko akazoshaya kwadarika mazuva matatu. Muridzi wembwa akatozosvika mushandi wake ava kutoendeswa kuchipatara neamburenzi mushure mekufonerwa nevavakidzani.

Manga muchigara imbwa

“Nyakufa uyu akabvira kushandira murungu wake uyu kubva muna2012 uye mudzimai wake anogara kumaruwa kuGuruve kunova kwaari kuvigwa nhasi (nemusi weChipiri svondo rino),” vanodaro.

Asst Insp Dzvova vanoti muridzi wembwa achatongwa nemhosva yekukonzera kufa kwemunhu asina chinangwa chekuti afe (culpable homicide).

“Muridzi wembwa anotongwa nemhosva yeculpable homicide mushure mekunge paitwa ongororo kubva kuvafakazi vari munyaya iyi uye ongororo yemutumbi. Tinokurudzira vanhu kuti kana vachichengeta imbwa vadziendese kumapurisa kunodzidziswa magariro akanaka adzinofanira kuita nevanhu.

“Tinoona kuti nyakurumwa uyu ndiye aigara achipa imbwa idzi chikafu, asi yakazoerekana yomurwisa. Saka kana imbwa dzikadzidziswa matambudziko akadai anoderedzwa,” vanodaro.

Asst Insp Dzvova vanoti mudzimba nemumakambani imbwa dzinofanira kugara mudzimba dzadzo (dog kernel) uye kana vanhu vachifamba nadzo panze, dzinofanira kunge dziri patambo kuti dzisava njodzi kuvanhu.

VaChard vanoti vanosiririswa nefiro yakaita mushandi wavo.

“Musi uyu, ndaiva kubasa pandakazofonerwa masikati zvichinzi mushandi wangu arumwa nembwa. Ndakazosvika kumba iye aendeswa kuWest End Hospital kwataiti abatsirwe kwenguva diki, mushure ndokudarikidzwa kuParirenyatwa uko akazoshaikira.

“Ndiri kubatsira mukuvigwa kwake nekubhadhara mari dzekuchipatara. Charles ndiye akatokudza imbwa iyoyo kubva payakauya iine mwedzi misere yekuberekwa mugore ra2017 uye yanga isati yamboruma munhu kugara kwose uku,” vanodaro vachiratidza kurwadziwa.

Votaurawo nezvenyaya iyi, Dr Reverend Spargo – avo vanoshanda kuDepartment of Livestock and Veterinary Services vari kudivi rezvekurapwa kwezvipfuyo (Epidemiology and Disease Control) – vanoti imbwa dzose dziri nhatu dzange dzakabaiwa majekiseni, nokudaro hapana fungidziro yechirwere chechimbwamupengo.

“Mufi anogona kunge akafa nemaronda ekurumwa nekuti takatarisa mapepa ose tikaona kuti imbwa idzi dzakabaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

“Tinokurudzira kuti imbwa dzibaiwe majekiseni apo dzinosvitsa mwedzi mitatu yekuberekwa, gore uye dzichizoramba dzichibaiwa mushure memakore matatu. Asi nekuda kwekunetsa kwechimbwamupengo, tava kuti imbwa dzibaiwe gore roga-roga,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hatikurudzire vanhu kuchengeta imbwa dzine hukasha sePitbull neDoberman. Nyaya dzekurumwa kwevanhu nembwa dziri kuwanda nokudaro panoda kudzikwa mutemo unorambidza kuchengetwa kwembwa dzine hukasha nekuti kune dzimwe nyika itori mhosva kuchengeta imbwa dzemhando idzi,” vanodaro.

Pakasvika Kwayedza pamba apa nemusi weChitatu svondo rino, Chard airatidza kupererwa uye imbwa dzake aiti akadzibvisa.

Share This:

Sponsored Links