Akavharwa $600 nemagweja

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MURUME wekunzi akatsotswa mari yake nemagweja ayo aida kumutengesera ngoda akadhonzera mumwe muchinda kudare achiti ari kuramba kumudzosera chikwereti chake che$600 iyo akamupa apo aida kurapwa maziso ake.

Taurai Chivanda akamhan’arira Solomon Machisi kuHarare Civil Court achimupomera kuti ari kuramba kumudzosera $600 yake. “Mambo wangu, murume uyu akandikwereta $600 yangu gore rakapera muna Gunyana achiti anoda kurapwa maziso. Ndakamuziva kuburikidza nehanzvadzi yangu uye mari iyi ndakamupa neEcoCash yese asi haachada kundidzosera,” anodaro Chivanda.

Machisi anopikisana naChivanda achiti haana chikwereti chake.

“Ini handina chikwereti chake, akandifonera achiti anoda magweja ane madhaimondi ini ndikamutsvagira vanhu. Akapihwa madhaimondi aya munhu waaida kutengesera ndokusvikoaramba apa ainge atopa magweja mari.

“Zvino ave kudzoka kwandiri achiti anoda mari iye asina kumbobvira andipa mari uye magweja aya haachabatike, anogara kuShurugwi. Ini handina mari yake uye ziso rangu ndakabviswa svondo rakapera chairo, mari yacho yainge isiri yake,” anodaro Machisi.

Chivanda anoti akangoudzwa nemumwe munhu waasingazive kuti atumire mari neEcoCash.

“Ini ndakangoudzwawo kuti ndiise mari mufoni asi zita remunhu wacho handichariziva,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaChivanda achiti hapana umboo huzere hunoratidza kuti akatsotswa mari naMachisi.

Share This:

Sponsored Links