Akayamwiwa na’driver’

01 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Akayamwiwa na’driver’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME anogara mumusha weGlen Norah A, muguta reHarare, akakonwa nemhosva mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekuyamwa mazamu emumwe musikana waanoshanda naye pasina kuwirirana apo vaiva mukombi yebasa achimuperekedza kumba usiku.

Theophelas Mangenda (28) anobvuma mhosva yekumbunyikidza musikana ane makore 22 ekuberekwa apo akamiswa pamberi pemutongi Tracy Muzondo.

Mutongi Muzondo akapa musungwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu icho akazorasa chose paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Nyakupara mhosva uyu mutyairi wekombi yebasa uye anoshanda pamwechete nemumhan’ari.

Muchuchisi Norman Koropi anoudza dare kuti husiku hwemusi wa17 Gunyana gore rino, Mangenda aityaira kombi achiendesa mumhan’ari kumba kwake nemumwewo mushandi.

Pavakasvika paC-Junction, kuChitungwiza, mutyairi uyu akamisa kombi mumwe mushandi ndokuburuka kukasara iye nemumhan’ari.

Mangenda akabva atanga kumubata ndokumuyamwa mazamu.  Mumhan’ari akasvikotaurira amai vake zvainge zvaiitika vachibva vaenda kumapurisa.

Achipawo divi rake mudare, Mangenda anoti, “Hongu, ndakabata mazamu ake ndikamuyamwa.”

Share This:

Sponsored Links